Accessibility links

Breaking News

Mumwe Muzvinabhizinesi Wechidiki Ofadzwa Nezvirongwa Zvemabhizinisi Zvaadzidza MuAmeica


Mumwe wevechidiki vaviri vakasarudzwa nehurumende ye America kuti vamirire nyika dzavo pamusangano mukuru wevatungamiri vechidiki vemangwana mu Africa, Simbarashe Mhungu, anoti ari kufara zvikuru nezvidzidzo zvaawana pamusangano wapera muwashington nhasi.

Musangano mukuru uyu wange uri pasi pedingidira re 2012 Innovation Summit, iyo inokokerwa nehofisi yemutungamiri we America, va Barack Obama, pasi pechirongwa chekukurudzira vechidiki vanobva kunyika dzakasiyana siyana kuti vawane hunyanzvi mumabasa avanoita.

Mhungu, uyo akatanga kambani yake yezvirimwa inonzi Harvest Fresh, anoti akasangana nevamwe vechidiki vanosvika makumi mashanu nevasere vanobva kune dzimwe nyika.

Anotiwo akawana mukana wekusangana negurukota rinoona nezvekudyidzana kwe America nedzimwe nyika, amai Hillary Clinton ne Chitatu.

Mhungu anoti ava kuenda ku Alabama ne New York uko achashanda ari pasi pemakambani ehurumende neakazvimirira ega anoita zvekurima kuitira kuti awane ruzivo rwekuzoshandisa mukambani yake.

Mumwe wake, Limbikani Kakani, achaendawo kunoshanda nemakambani anoita zvehumhizha kuitira kuti awedzera hunyanzvi hwake mumabasa ake kana adzokera kumusha.

XS
SM
MD
LG