Accessibility links

Breaking News

Mumiriri weZimbabwe muAmerica Otaura neZvekuvhota neKutanga Mabhizimi muNyika kweVari Kunze


Mumiri weZimbabwe muAmerica VaTadeous Chifamba
Mumiri weZimbabwe muAmerica VaTadeous Chifamba

Mumiri weZimbabwe muAmerica VaTadeous Tafirenyika Chifamba nemusi weMugovera vakazivisa zvizvarwa zvenyika zviri muAmerica kuti hurumende iri kusimbaradza hurongwa hwekushanda nazvo munyaya dzekuzviwanisa kodzero yekuvhota, kutanga mabasa munyika uye kugadzirisa nyaya yekuti zvive nemagwaro enyika mbiri kana kuti dual citizenship.

VaChifamba vakataura mashoko aya muMaryland apo vaichingamidzwa nezvizvarwa zveZimbabwe zviri muAmerica.

Vakaudza zvizvarwa zveZimbabwe kuti dare remakurukota rakatenderana kuti ritange ranzwa kubva kuzvizvarwa zviri kunze kwenyika risati rabuda negwara kana kuti Diaspora Policy panyaya yekudyidzana navo vakati pane zvinhu zvitatu zviri kutariswa.

“Zvimwe zvinhu zvirikuda kuitwa nehurumende kuzeya nyaya yekuti vanhu vave nemagwaro enyika mbiri kana kuti dual citizenship, bumbiro remutemo wedu rinoti izvi ndizvo zviri pamutemo asi paramendew inofanira kugadzirira mitemo kuti zvifambirane nebumbiro.”

Vakaenderera mberi vachiti, “Imwe nyaya iyi kuda kugadziriswa inyaya yekuvhota kwevari kunze kwenyika. Tinoda kunzwa pfungwa dzenyu pane zvose izvi. Tinokwanisa kuonawo zviri kuitika kune dzimwe nyika. Hongu kuvhota ikodzero asi inouya nezvimwe zvinotarirwa. Chechitatu chiri kutariswa inyaya yemari dzamuri kutumira kumusha, tiri kutarisira kuti gore rino mari iyi ichadarika bhiriyoni imwe chete nechidimbu kana kuti 1, 5 billion United States Dollars.”

Vanoti zvose izvi zviri kuitwa hurumende ichitanga yanzwa pfungwa dzezvizvarwa izvi.

VaChifamba vakati hurumende iri kushanda nezvizvarwa zveZimbabwe kuti zvipinde munyaya dzekusimudzira hupfumi zvakaita semigodhi nezvimwe. Mumwe ainge ari pagungano iri ndiMuzvare Omega Taonezvi avo vakati vakafara zvikuru nekuwana mukana wekutaura naVaChifamba.

Vamwe vainge vari pagungano iri ndiVa Jabu Muchineuta, avo vanga vakamirira kambani yeNyaradzo inoviga vafi kana vari nhengo. VaMuchineuta vanoti vakafara zvikur nemukana wekukurukura nezvizvarwa zveZimbabwe zvinogara muAmerica nezvemabasa anoitwa nekambani yavo.

VaJonah Masiye ndechimwe chizvarwa cheZimbabwe chinoti chakafadzwa nekubatana kwakaratidzwa nevana veZimbabwe.

Zvizvarawa zveZimbabwe zvakaronga musangano uyu kusanganisira Amai Cassandra Guni zvinoti zvakafara zvikuru nemafambiro akaita hurongwa hwemusi weMugovera uhu.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG