Mumiriri weMutasa Central mudare reparamende vari nhengo yeMDC Alliance, VaTrevor Saruwaka, vanoti vapora kubva kuchirwere cheCovid-19 icho chakauraya ambuya vavo mwedzi wapera.
Ambuya waVaSaruwaka vange vave nemakore zana nematatu.
VaSaruwaka vanoti vamwe vanhu vakange vovasarura vasingadi kusvika pedyo navo pavakazivisa nyika kuti vainge vorwara.
Asi vanoti vakazoenda kunovhenekwa zvakare pakirinika iri kudare reparamende vakaonekwa kuti vainge vapora.
Vanoti nyaya yekuti vainge vabayiwa nhomba muna Kurume yakavabatsira zvikuru nekuti havana kuzonyanya kurwara sezvinoita vamwe vanozoguma vave muchipatara.
VaSaruwaka vakurudzira vanhu vose munyika kuti vabaywe nhomba sezvo zvichizobatsira nekuti chirwere cheCovid-19 chiri kutora hupenyu hwevanhu vakawanda.
Vati vanhu havafanire kuteerera zvinotaurwa nevamwe vakuru vemakereke nevamwe pamadandemutande zvekuti varambe kutambira nhomba vachiti vanhu vanofarira kuteerera zvinobva kubazi rezvehutano navanachiremba vavo.
Facebook Forum