Vakafanobata chigaro chemutungamiri wenyika, VaConstantino Chiwenga, vaita musangano nemumiriri weAmerica muZimbabwe, VaBrian Nichols, kuhofisi yeMunhumutapa.
Vachitaura nevatori venhau papera musangano uyu, VaNichols vati vakurudzira hurumende kuti ione kuti munyika maitwa nhaurirano dzemapato ose uye kuti hurumende ichengetedze kodzero dzevanhu.
Imwe nyaya yataurwa mumusangano uyu ndeye nzara iyo yapfunya chisero munyika.
VaNichols vati America, iyo inova nyika inopa rubatsiro rwakawandisa kudarika dzimwe dzose pasi rose icharamba ichi batsira vanhu nezvekudya uye mabasa ebudiriro.
Kubva muna 1980, America inoti yabatsira Zimbabwe nemari inodarika mabhiriyoni matatu emadhora ekuAmerica.
Hatina kukwanisa kunzwa divi rehurumende panyaya iyi sezvo VaChiwenga vanzi vange vapinda mune mumwe musangano.
VaChiwenga vakafanobata chigaro ichi sezvo mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vari pazororo kunyange hazvo vari kumbodzoka kubasa uye neChitatu vange vari kuMozambique kwange kuchitora mhiko mutungamiri wenyika iyi, VaFilipe Nyusi.
Facebook Forum