Accessibility links

Breaking News

Mumiriri we Mazowe Central Vopomerwa Mhosva Yekuba Matombo ekuvakisa


Munyika mava kuita kunge makaberekera ingwe, izvo zvava kupa kuti nhengo dzeMDC dzigare hana dzichirova.

Mumiriri we Mazowe Central mudare re House of Assembly, uye vari nhengo ye MDC, VaShepherd Mushonga, vanonzi vakasungwa nezuro manheru kuChiweshe vachinzi vakachera maquarry stones asiri avo.

Gweta riri kumirira VaMushonga, Va Earnest Jena, vanoti VaMushonga vamiswa mudare nhasi kubindura, vakapihwa mukana wekubvisa mari yechibatiso inoita makumi mashanu emadhora.

Mashoko atiri kutambira anoti zvakare nhengo yeparamende ye mdc inomirira gokwe-kabuyinini, va costain muguti, vakasungwa zvakare nemapurisa nezuro manheru vachipomerwa mhosva yekukonzera mhirizhonga.

Hatina kukwanisa kutaura negweta ravamuguti. Zvinonzi vamuguti vanga vakachengetedzwa paGokwe police station.

Patience Rusere weStudio 7 aita hurukuro naVaJena kuti tinzwe zvizere pamusoro penyaya yavamushonga.

XS
SM
MD
LG