Muimbi anogara ku Nertherlands anoimba musambo wenziyo dzechinyakare pamwe neJazz, Vimbai Zimuto, ari kusimudza mureza weZimbabwe kunyika dzekunze kuburikidza nekurairidza vana vekumhiri kwemakungwa mimhanzi yechinyakare.
Vimbai akazvarirwa nekukurira kuZengeza kuChitungwiza, uye akatanga zvemimhanzi achiri mwana mudiki kuchikoro aine makore matanhatu.
Apedza chikoro akazoshanda nechikwata cheUMOJA Cultural Flying Carpet, akapindawo mumakwikwi eCross Roads akasvika kumagumo.
Akazomboimbawo muchikwata cheBlacks Spirits chinotungamirwa nemuimbi ane mukurumbira pasi rose Oliver "Tuku" Mtukudzi. Pari zvino anoshanda nePamberi Trust, uye Women in Performing Arts.
Muna 2015, Vimbai akakokwa kunoridzira Mambokadzi vekuBelgium pasi peWomen in Performing Arts.
Vimbai anoti anosundwa nechido chekuimba mimhanzi kuti arambe achishingirira.
Anoti ari kugadzirisa nyaya dzekuti ambotenderera neZimbabwe achiratidza hunyanzvi hwake mune zvemimhanzi.
Pari zvino Vimbai ane kambo kake kari kunetsa kanonzi 'Hapamana Kwaunoenda.'
Facebook Forum