Accessibility links

Breaking News

Masvondo Maviri Apfuura, Covid-19 Inovhiringa Zvakanyanya Guta reBulawayo


Kunyange hazvo huwandu hwevanhu vari kufa, kana kubatwa nechirwere cheCovid-19 huri kuramba huchiderera mune mamwe matunhu, zvinhu hazvina kumira zvakanaka mudhora reBulawayo umo chirwere ichi chiri kuramba chichipararira.

Bazi rezvehutano rinoti mumavhiki maviri adarika, munyika yose mafa vanhu gumi nevaviri uye pavanhu ava, vapfumbamwe vari muBulawayo.

Panguva imwe cheteyo, vanhu mazana maviri nemakumi mapfumbamwe nevaviri kana kuti 292 vakabatwa nechirwere ichi munyika uye zana nemakumi maviri nevasere kana kuti 128 vari vemuBulawayo.

Pavanhu mazana maviri nemakumi matatu nevatatu kana kuti 233 vari kurwara nechirwere ichi pari zvino, zana negumi nevana vari muBulawayo.

MuHarare mune vanhu makumi mashanu nevasere vari kurwara, kuMashonaland East kune mumwe chete, Mashonaland Central vaviri, uye Masvingo vatatu zvimwe chetezvo neMatabeleland South.

Hatina kukwanisa kunzwa divi rehurumende sezvo tisina kuwana mhinduro kumukuru anotungamira kurwisa Covid-19 munyika, Dr Agnes Mahomva.

Vaimbova gurukota rezvehutano muhurumende yemubatanidzwa, Doctor Henry Madzorera veMDC Alliance, vanoti nyaya yekuti miganhu yeZimbabwe, South Africa neBotswana haina kunyatsochengetedzwa, vanhu vakawanda vanogona kunge vari kuyambuka zvisiri pamutemo vaine chirwere ichi icho vanozotapurira vamwe munharaunda dzavanogara. Vanotiwo guta iri rinogona kunge richivheneka vanhu vakawanda kudarika mamwe maguta.

Hurukuro naDr Henry Madzorera
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:40 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG