Accessibility links

Breaking News

VaChihuri neMDC T Vopesana paMisangano Yakapiwa Mvumo neMapurisa


Mukuru wemapurisa, Police Commissioner-General Augustine Chihuri, vanoti misangano yakawanda zvikuru yakarongwa nebato reMDC inotungamirirwa naVaMorgan Tsvangirai, yakabvumidzwa nemapurisa, kwete zvinogarotaurwa nebato iri zvekuti mapurisa ari kuramba kuti riite misangano yaro.

Gwaro rakaburitswa naVaChihuri rinoti pane misangano 644 yeMDC yakabvumidzwa, kubva pamisangano 682 yaida kuitwa nebato iri, izvo zvinoreva kuti zvikamu makumi mapfumbamwe nezvina kubva muzana, kana kuti 94% zvemisangano yakarongwa nebato iri gore rino, yakatopihwa mvumo.

Pamisangano 816 yeZanu PF, VaChihuri vanoti mapurisa akabvumidza misangano 788, imwe ikarambidzwawo.

Asi bato reMDC T rinogaro chema-chema richiti mapurisa ari kurirambidza kuita misangano yaro asi Zanu PF ichiita misangano painodira.

VaChihuri vanoti misangano yeMDC T mishoma yakarambidzwa ndeiyo chete ine mazuva ainangana nemagungano ane chekuita nenyika.

Mutauririri weMDC T, VaNelson Chamisa, vaudza Studio7 kuti gwaro raVaChihuri rizere nemaburi uye bato ravo richapikisa zviri mugwaro iri.

XS
SM
MD
LG