Accessibility links

Breaking News

Mukuru weVatongi VaMalaba Vanoti "Mashurugwi" Anofanira Kurangwa neChimbi Chimbi


VaLuke Malaba
VaLuke Malaba

Mutungamiri wevatongi munyika, Chief Justice Luke Malaba, nhasi vavhura zviri pamutemo kutongwa kwemhosva mumatare gore rino vachishoropodza mhirizhonga yezvematongerwo enyika pamwe nevari kudaidzwa nezita remadunhurirwa rekuti maShurugwi avo vanonzi vari kuuraya vanhu munzvimbo dzakasiyana-siyana vachishandisa mabhemba.

VaMalaba vakurudzirawo kuti vashandi vemumatare vawedzerwe mari dzemihoro kuitira kuti vasapindwe nerukonye rwehuori.

Vachitura mashoko avo pakuvhurwa zviri pamutemo kwekutongwa kwemhosva gore rino, VaMalaba vashora mhirizhonga iri kuitwa nevanhu vanofamba nemabhemba zvikuru sei munzvimbo dzinocherwa zvicherwa avo vari kudaidzwa nezita remadunhurirwa rekuti maShurugwi.

VaMalaba vakurudzira mapazi ose anoona nezvekuchengetedzwa kwemutemo kuti vari kukonzeresa mhirizhonga iyi vasungwa.

MaShurugwi anonzi akauraya vanhu vakawanda munyika kusanganisira mumwe mupurisa wekuKadoma mushure mekutema vanhu ava nemabhemba.

VaMalaba vashorawo mhirizhonga yezvematongerwo enyika vachiti nyaya dzakawanda dzakapinda mumatare gore rapera dzakanga dzine chekuita nemhirizhonga yezvematongerwo enyika yakaitika muna Ndira naNyamavhuvhu wegore rapera zvichitevera kuratidzira kwakitwa neveruzhinji.

Gurukota rinoona nezvemitemo VaZiyambi Ziyambi vakambodzawo Studio 7 kuti vanoda kuti vari kuzviti Mashurugwei ava vanofanira kuomeserwa kana kutopfuurwa nepfuti nemapurisa.

Asi gweta rinorwira kodzero dzevanhu vachishanda nesangano reHuman Rights Watch VaDewa Mavinga vakakurudzira kuti vaendeswe kumatare.

Panyaya yekuti pane vamwe vakuru muhurumende vane chekuita nevanozviti Mashurugwi ava, gurukota rezvemukati menyika VaKazembe Kazemba vakatiwo vane humbowo uhu vanofanira kuhuunza kumapurisa.

Zvichakadai, VaMalaba vakurudzira hurumende kuti iwedzere vashandi vemumatare mari dzemihoro vachiti vashandi vemumatare vazhinji havasi kukwanirwa nemari dzavari kutambiriswa zvinopedzisira zvakanganisa kutongwa kwenyaya mumatare. VaMalaba vati kushomeka kwemari dzinotambirwa nevashandi vemumatare kwave kukonzera kuti vatambire mari dzechiwokomuhomwe.

Rimwe gweta remuHarare, VaKudzayi Kadzere, vati vatongi vematare vari kupihwawo mihoro yakafanana nemitero yembwa zvinoita kuti nyaya dzehuori dzinetse kupedza munyika.

Zvichakadai, VaMalaba vati zvakakosha kuti nyaya dzinenge dzichinzwikwa mumatare dzichitepfenyurwe panguva yadzinenge dzichiitika zvavati zvinoita kuti verizhinji vavimbe nemafambisrwo enyaya mumatare sezvo vachiti matare anofanira kushanda asina divi raanorerekera.

Izvi zvatsigirwa nemukuru wesangano reMedia Institute of Southern Africa muZimbabwe, VaTabani Moyo. Misa yakambenge yakumbira VaMalaba kuti zvinotika mumatare zvitepfenyurwe.

VaMalaba vaenderera mberi vachikurudzira vachuchisi veNational Prosecuting Authority kuti kuti vanyatsoongorora nyaya dzose dzavanoita kuti hapana huori hunenge hwaitwa here senzira yekusimbaradza chirongwa chehurumende chekurwisana nehuori munyika.

Vakurudzirawo hurumende kuti ipe Judicial Service Commission mari yekugadzirisa matare anotongerwa mhosva mumatunhu munzvimbo dzakasiyana-siyana munyika vachiti pane mamwe matare ekuti mutongi anoshandisa hofisi imwechete nevashandi vemutare uye midhuri mizhinji yematare aya yasakara.

VaMalaba vatiwo vane hurongwa hwekuvaka dare rinotongerwa mhosva munharaunda imwe neimwe munyika vachiti vanhu vakawanda mune dzimwe nharaunda vari kufamba nzendo refu kuti vakwanise kusvika kumatare.

Vati kuvakwa kwematare edzimhosva kuri kuitwa kuLupane, Mt Darwin nekuChinhoyi kuri kutarisirwa kupera nguva pfupi iri kutevera zvekuti mukupera kwegore rino matare aya anenge ave kushanda.

Vatiwo pane hurongwa hwekuvaka rimwe dare redzimhosva mumusha weEpworth uyo uri kumahombekombe kweHarare mushure mekunge kanzuru yeEpworth yapa Judicial Services Commission nzvimbo yekuvakira dare iri.

Zvichakadaro, VaMalaba vati vari kufara zvikuru kuti nyaya zhinji dzakaunzwa kumatare gore rapera dzakakwanisa kutyongwa zvichienzaniswa negore ra2018.

Kuparurwa kwekutongwa kwemhosva gore rino kwaitwa pasi pedingindira rekuti “Judicial Transparency and Accountability”.

Nyaya Ina Thomas Chiripasi
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:55 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG