Accessibility links

Breaking News

Mukuru weMauto Anoti Havazopeti Maoko Vachirega Vanhu Vachipidigura Hurumende


Mukuru wemauto, Lieutenant General Philip Valerio Sibanda vakati mauto haazofi akapeta maoko achirega vanhu vari kuda kushandura hurumende nechisimba vachiita izvi.

Vachitaura neChishanu pakupedza zvidzidzo zvemauto kuInkomo Barracks, VaSibanda vakati pane hanzvadzikomana nehanzvadzisikana vari kushandiswa nehurumende dzeBritain neAmerica kuda kupidigura hurumende, vakakurudzira mauto kuti agare akagadzirira kudzivirira nyika.

VaSibanda havasi vekutanga kutaura mashoko akadai. Gurukota rezvekudzivirirwa kwenyika,

VaEmmerson Mnangagwa, mukuru wepurisa VaAugustine Chihuri pamwe nemumwe mukuru wemauto Brigadier Douglas Nyikayaramba vamwe vevakati havazopeti maoko vanhu vachishandura hurumende nechisimba.

Asi mapato eMDC ose ari maviri akagara akaramba nyaya yekushandura hurumende nechisimba, achiti chinongodiwa munyika isarudzo dzakachena dzinoitika murunyararo.

Nyanzvi mune zvematongerwo enyika, VaCharles Mangongera vaudza Studio 7 kuti mashoko emauto nevamwe muhurumende aya ndeekuda kutyisidzira vanhu sezvo vachiziva kuti bato ravanotsigira reZanu PF haricihina rutsigiro.

XS
SM
MD
LG