Accessibility links

Breaking News

VaChihuri Vanoti Mapurisa Achasunga Vanoita zveMhirizhonga


Mukuru wemapurisa, VaAugustine Chihuri, vanoti vezvematongerwo enyika vanofanirwa kusiyana nepfungwa dzinokonzeresa mhirizhonga munyika.

VaChihuri vanoti mapurisa achasunga ani nani zvake anenge akonzeresa mhirizhonga munguva yereferendamu pamwe nesarudzo dziri kutarisirwa kuitwa gore rinouya.

VaChihuri vakataura mashoko aya pamusangano wepagore wevakuru vemapurisa wakaitirwa kuDarwendale mazuva mashoma apfuura.

Mashoko aVaChihuri anouya panguva iyo vatungamiri vemapato ezvematongerwo enyika ari muhurumende vakabatana mukushoropodza mhirizhonga.

Mapato maviri eMDC anogaropomera mapurisa mhosva yekusaita basa nemazvo vachiti vanongosunga vemapato avo chete asi vasingasungi nhengo dzeZanu PF dzinenge dzakonzeresa mhirizhonga.

MDC-T yagara ichitiwo mapurisa ndivo vanotokonzeresa mhirizhinga nguva zhinji.

Mutauriri webato iri, VaDouglas Mwonzora, vaudza Studio 7 kuti mashoko aVaChihuri aya manatsa mukanwa chete sezvo vachiziva zvavo kunowira tsvimbo nedohwe.

Mutauriri weMDC inotungamirwa naVaWelshman Ncube, VaNhlanhla Dube, vaudzawo Studio7 kuti bato ravo richamirira kuona kana VaChihuri nemapurisa avo vachamira nemashoko avo ekuti vachasunga ani nani zvake akonzeresa mhirizhonga.

Hatina kukwanisa kubata mutauriri weZanu PF, VaRugare Gumbo.

Asi mukokeri weZanu PF mudare reparamende, VaJoram Gumbo, vatiwo mashoko aVaChihuri anotsinhira zvavagara vachitaura sebato reZanu PF zvekuti mapurisa haatarisi kuti munhu abva mumba maani kana achiita basa rawo.

XS
SM
MD
LG