Mutungamiri wesangano reInternational Fund for Agricultural Development (IFAD), VaGilbert Houngbo vakasvika munyika nemusi weSvondo manheru murwendo rwavo rwemazuva matatu mu Zimbabwe.
VaHoungbo vakatambirwa negurukota rezvekurima VaPerrance Shiri ne mukokeri wesangano reUnited Nations muZimbabwe VaBishow Parajuli.
VaGilbert Houngbo vari kutarisirwa kupinda mumusangnano nemutungamiri wenyika VaEmerson Mnangagwa, gurukota rezvemari, Muzvinafundo Mthuli Ncube, mukuru webhanga guru renyika reReserve Bank of Zimbabwe Doctor John Mangundya uyewo vamwe vakuru vakuru mumapazi ehurumende ane chekuita nezve kupedzwa kwenzara mumaruwa.
Chinangwa cherwendo rwaVaHoungbo, ndechekutsvaga nzira dzekubatsira matunhu akasarira nemaruwa kuti vagone kupedza dambudziko renzara munyika.Gore rino kuri kunzi kuchaita nzara sezvo mvura yakanonoka kunaya munzvimbo dzakawanda uye kuine mhepo yeEl Nino.
Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi vachidzidzisa paDevry University ku Ohio, Muzvinafundo Elliot Masocha vanoti rwendo rwaVaHoungbo rwakanaka nekuti nyaya dzekuwanira varimi zvikwanisiro dzinonetsa munyika makore ese asi sangano reIFAD rine nhorondo yekubatsira varimi vemuZimbabwe.
Facebook Forum