Accessibility links

VaSata Votsigira Zanu-PF Kuti Sarudzo Dziitwe Gore Rino

  • Violet Gonda

Zanu-PF inoti ichaita zvese zvainogona kuita kuitira kuti sarudzo dziitwe munyika gore rino. Zanu-PF inoti izvi zvichaitwa kunyange hazvo pasina bumbiro idzva remitemo yenyika.

Vachitaura mushure memusangano we Politburo neChitatu, mutauriri we Zanu-PF, Va Rugare Gumbo, vakati sarudzo dzichaenderera mberi gore rino.

Vane ruzivo nezviri kuitika muZanu-PF vanoti Zanu-PF iri kufara kuti iri kuwana rutsigiro kubva kune vamwe vatungamiriri veSADC vakaita semutungamiri we Zambia, VaMichael Sata.

VaSata vanoti vachatsigira VaMugabe kuti vaiite sarudzo sezvavari kuda vachiti mutungamiriri wehurumende, VaMorgan Tsvangirai, munhu anoshandiswa nenyika dzekunze.

Mutauriri we MDC-T, VaDouglas Mwonzora, vanoti mashoko aVaSata anoratidza kuti ndeemunhu achine mukaka pamhino.

Mukuru webazi re Africa Governance Program musangano re Open Society Initiative – South Africa, Va Ozias Tungwarara, vanoti zvakataurwa naVaSata hazvina kutarisirwa kunga zvichibva kune mutungamiri wenyika.

XS
SM
MD
LG