Muimbi ane mukurumbira achiimba nziyo dzechitendero, Jennifer Maneni anoti ari mushishi kubika vhidhiyo yekambo kake katsva kanetsa zvikuru kanonzi My Testimony.
Kambo aka kakaimbwa nemusambo weAfro-pop. Maneni anoti kambo aka kari kutambirwa zvakanyanya nevanhu muZimbabwe nekunze, “Pandainge ndichiridza kuBritain muna Gunyana, vakawanda vakadaidzira vachikumbira kuti ndirambe ndichidzokorora kambo aka panziyo dzangu dzose,” Maneni akaudza Studio 7.
Maneni akamboimba nevaimbi vanosanganisa Mercy Mutsvene, Fungisai Zvakavapano Mashavave, Joyce Simeti, Pastor Haisa nevamwe asati atanga kuzviimbira oga.
Akabura dambarefu rake rekutanga rinonzi Fambai Neni (Walk With Me) muna 2008. Akazoburitsawo mamwe madambarefu anosanganisa Umire Papi (Where Do You Stand), Tatenda (We thank you), His Grace nemamwe.
Facebook Forum