Accessibility links

Breaking News

Muimbi Greatman Gwaze Otsvaga Gwaro reKufambisa Kuti Aende Kunoridza kuBritain naSulumani Chimbetu


Sulumani naGwaze
Sulumani naGwaze

Muimbi Tongai “Greatman” Gwaze uyo ane kambo kaakaimba naSulumani Chimbetu kanonzi “Pandakazvarwa” anoti ari kufara zvikuru nekutambirwa kuri kuitwa kambo aka uye vhidhiyo yacho.

Greatman audza Studio 7 kuti sezvo iye akazvarwa akaremara, akaimba kambo akachida kuburitsa matambudziko anosangana nevakaremara. Muhurukuro neStudio 7 nemusi weChitatu, Sulumani akati ane hurongwa hwekuenda naGreatman kuBritain gore rinouya uko anenge achiridza.

Achitaura neStudio 7, Greatman anoti ainge apirwa nyaya iyi naSulu akaitamabira nemaoko maviri.

“Sulu akanditaurira nezvekuenda kuBritain. Asi dambudziko riripo nderekuti ndange ndisina gwaro rekufambisa saka ndave mubishi kutotsvaga pasipoti rechimbi chimbi.”

Vanhu vakawanda vari kubatwa nenyaya iyi vanoti vanoda kubatsira Greatman uyo anoti vanogona kumuwanawo paFacebook kuti vataure naye nezverubatsiro urwu.

Hurukuro naTongai "Greatman" Gwaze
please wait

No media source currently available

0:00 0:07:32 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG