Accessibility links

Breaking News

VaBiti, VaGono naVakasukuwere Vonetsana paNyaya yeMabhanga


Muhurumende yemubatanidzwa matangezve kukandirana makabvu nematete panyaya yekutora zvikamu makumi mashanu nechimwe kubva muzana kana kuti 51% mumakambani evekunze.

Gurukota rezvekuendeswa kwehupfumi kuvatema, VaSaviour Kasukuwere, vanoti gurukota rezvemari, VaTendai Biti, nagavhuna webhanga guru renyika, VaGideon Gono, vanofanirwa kubvumidza kuti mabhanga anoti Barclays Bank, Standard Chartered Bank, Stanbic neStandard Bank aiswe muhurongwa hwekuendesa hupfumi kuvatema.

VaGono naVaBiti vakatonyora tsamba kune mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe vachiti havadi kuti hurongwa hwebazi ravakasukuwere hupinde mumabhanga vachiti zvinogona kuvhiringidza hupfumi sezvo mabhanga aya ari iwo chete ari kushanda zviri nani munyika.

Vamwe vakuru kubazi rezvemari nekuRBZ vanoti pari kutotyirwa kuti panogona kuvharwa mabhanga evatema anosvika gumi nemashanu nekutadza kuita basa nemazvo.

Vaviri ava mutsamba yavo vanoti vanoda marezinesi ekutanga mabhanga vakasununguka kuatora votanga avo.

MuZanu-PF munonziwo maita hondo sezvo vamwe vari kuti vamwe vakuru vebato vari kuda kutora zvikamu mumabhanga vakakundikana kudzorera zvikwereti kumabanga akaita seAgribank neCBZ zvopa kuti anetseke.

VaBiti vanoti kukundikana kwemabhanga avatema kwave kupa kuti vade kubatanidza mamwe acho nekudaro pane mukana wekuti vanoda kutanga mabhanga vawane chouviri.

Gurukota rezvekuendeswa kwehupfumi kuvatema, VaSaviour Kasukuwere vanoti hapana kudzokera kumashure panyaya iyi. Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi VaJames Wade, avo vanoshanda vakazvimirira vanoti kuda kutora mabhanga kukanganisa hupfumi.

XS
SM
MD
LG