Accessibility links

Breaking News

Pastor Mugadza Vonamatira Mhuri yekwaDzamara


Pastor Patrick Mugadza
Pastor Patrick Mugadza

Mumwe mufundisi akasungwa muna Zvita mushure mekuratidzira kumusangano weZanu PF National Confrence kuVictoria Falls achiti mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vanofanirwa kugadzirisa matambudziko akatarisana nenyika, nhasi ashanyira mhuri yaVaItai Dzamara ndokuyinamatira.

Mumwe mufundisi akasungwa muna Zvita mushure mekuratidzira kumusangano weZanu PF National Confrence kuVictoria Falls achiti mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vanofanirwa kugadzirisa matambudziko akatarisana nenyika, nhasi ashanyira mhuri yaVaItai Dzamara ndokuyinamatira.

Mufundisi Patrick Philip Mugadza veRemnant Church yekuKariba vakurudzira mhuri iyi kuti iregerere vakapamba VaDzamara gore rapera vachiti Mwari chete ndivo vanogona kuranga vanhu ava.

Mufundisi Mugadza vatanga hurongwa hwavo nhasi vachinamatira mhuri yaVaDzamara kumba kwavo kuGlen View 7

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:22 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

VaMugadza vati vaona zvakakodzera kumatira mhuri yaVaDzamara panguva ino apo iri kushushikana nekupambwa kwaVaDzamara.

Vati munamato chete ndiwo uchasimbisa mhuri iyi pamwe nekuipa tariro yekuti VaDzamara vadzoke kumba kwavo kuzogara nemhuri yavo.

Vanoti vanoziva kuti zvakaoma kuregerera, asi vati kana mhuri yaVaDzamara ikaita izvi, ichakomborerwa pamwe nekurerukirwa nehupenyu.

Mhuri yaVaDzamara yange ichisanganisira mudzimai wavo, Amai Sheffra Dzamara, vana nevanini’na vavo. Mhuri iyi yatiwo nyaya yekuregerera inyaya yavari kufunga nezvayo.

VaMugadza vaendawo panzvimbo yakapambwa VaDzamara vakaita munato nemuridzi wenzvimbo iyi pamwe nevamwe vange vachigerwa sezvaiitwa VaDzamara apo vakapambwa muna Kurume gore rapfuura.

Kunyange hazvo dare repamusoro rakati mapurisa nevasori vanofanira kuferefeta kuti VaDzamara vari kupi, hazvisati zvazikanwa kluti vari kupi uye VaMugadza vati izvi zvinosuwisa kuti munhu angashaikwa munyika ine vasori nemapurisa akawanda.

Vatiwo zviri pachena kuti hurumende iri kutadzira vazhinji munyika uye ndosaka vachiti panofanira kuumbwa imwe hurumende inogadzirisa zvinhu munyika inenge iine vanhu vasina kwavakarerekera.

Zvichakadai pamusangano wevanhu vakavhiringwa nemhirizhonga vakaurayirwa hama dzavo, vakakuvadzwa kana kudyirwa zvipfuyo zvavo wainge wakarongwa nesangano reHeal Zimbabwe Trust neChipiri, vanhu vakati vanoda kuripwa uye kuti vanhu vakapara mhosva vasungwe.

VaMugadza vatiwo vanotambira hurongwa hwehurumende hwekuumba komisheni yerunyararo nekuyananisana munyika uye nyika inogona kufambira mberi kana pakava nekuregererana nekuyanana munyika.

VaDzamara vakapambwa musi 9 Kurume gore rapera uye kusvika pari zvino havasi kuzivikanwa kuti vari kupi.

Masangano anorwira kodzero dzevanhu, mhuri yavo pamwe nenyika dzakasiyana dziri kurudzira hurumende yeZimbabwe kuti iite zvese zvainokwanisa kutsvaga VaDzamara.

Vasori nemapurisa vanoti vari kuferefeta asi kusvika pari zvino havana chavati vawana.

VaItai Dzamara mutori wenhau akambosendeka basa rake parutivi achiti ava kurwira kodzero dzevanhu kudzamara mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vasiya basa.

XS
SM
MD
LG