Accessibility links

Breaking News

Hama yaVaMugabe Yotaura Kushungurudzwa Kwayakaitwa neHurumende yaVaMnangagwa


Mnangagwa War Veterans Meet
Mnangagwa War Veterans Meet

Vaimbove nhengo yeZanu PF vari kukwikwidza vakazvimirira kuZvimba South, VaWalter Chidhakwa, vanoti vachiri kurwadziwa nekusungwa kwavakaitwa nehurumende yaVaEmmerson Mnangagwa ivo vasina mhosva yavakapara, pamwe nekudzingwa mubato reZanu PF.

Vachitaura nhasi muhoro yemuBanket VaChidhakwa vati vakafunga zvekukwikwidza vakazvimirira nekuda kwekushungurudzwa nekudzingwa muZanun PF vasina mhosva.

VaChidhakwa vati hurumenda yaVaMnangagwa yaivapomera mhosva dzavasingazive dzinosanganisira kudzingisa VaMnangagwa muhurumende nekuita zvehuori panyaya yemupunga waipihwa nhengo dzeZanu PF mumatunhu.

VaChidhakwa vati vakashungurudzwa zvakanyanya pavakasungwa vachiendeswa kuzvitokisi zvakawanda munyika.

Mumwe wevapinda musangano uyu, VaCosta Mele, vati VaChidhakwa vakaunza budiriro muZvimba South uye vachavhoterwa kuti vapedze mapurojekiti avakatanga.

VaChidhakwa vaudza vatsigiri vavo vanga vachisvika mazana mashanu kuti vatsvake rutsigiro munyararo uye kuti vasabvise maposita emamwe mapato.

VaChidhakwa vati vari kuda kusarudzwa zvakare kuti vamirire Zvimba South kuti vapedzise zvikoro zviviri nekiriniki imwe chete zvavari kuvaka.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG