Accessibility links

Breaking News

Mutumbi waVaMugabe Wosvika kwaZvimba neSvondo


Zimbabwe Mugabe burial
Zimbabwe Mugabe burial

Dzimwe hama dzevaimbove mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, dziri kufara kuti mutumbi wavo uchauya kumusha kwavo kwaZvimba neSvondo.

Vanhu vakaungana pamusha paVaMugabe vanoti vari kutarisira kuona mutumbi waVaMugabe pauchasvika kwaZvimba mangwana.

Mumwe mugari wekwaZvimba, VaLucasi Mate, vati zvakakosha kuti mutumbi waVaMugabe usvike pamusha pavo sezvo vaigara vachiuya kumusha kwavo kwaZvimba.

Mumwe mugari abva kuMhangura, VaCrispen Chaka, vati vanofara nekuonekana naVaMugabe pamusha pavo sezvo mufi wose achifanirwa kuunzwa kumusha kwake asati avigwa.

Mumwe mwana wechikoro, Sylivia Maonedzo, uyo anga ari parufu rwaVaMugabe, ati asundwa kuuya kurufuru rwaVaMugabe nekuda kwechido chavo munyaya dzedzidzo.

Ambuya Mercy Chidhuza vatiwo vanofara kuti mutumbi waVaMugabe uuye kumusha sezvo ivo vanga vasingakwanise kuenda kuHarare.

Asi Amai Mativenga Gombarume vati hazvina kunaka kuti vanyemudzwe mwana wavo achizonovigwa kune imwe nzvimbo.

Amai Gombarume vati havasi kufara sezvo VaMugabe vakabatwa sembwa pavakabviswa.

Amai Gombarume vati zvinoshamisa kuti VaMugabe vave kunzi vanaka nevakavabvisa pachigaro nekuti vafa.

Zvichakadaro, vanhu vaviri vanoti mupurisa anga achiongorora vanhu vanga vachibika, pamwe nemushandi wehurumende, vasungwa parufu mushure mekuonekwa vachiba mafuta anosvika marita matanhatu.

Vakafanobata chinzvimbo chemutauriri wemapurisa mudunhu reMashonaland West, Inspector Ian Kohwera, vati tivabate neSvondo vave neripoti izere sezvo vanga vasiri muhofisi.

Kubatwa kwevanhu vanga vachiba zvaita kuti paitwe hurongwa hwekusecha munhu wese anenge akatakura bhegi kana ave kubuda pagedhe repamba paVaMugabe.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:26 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG