Accessibility links

Breaking News

VaMugabe Vanopihwa Mubayiro weRunyararo neSangano rekuChina


Vanhu vakawanda vane maonero akasiyana siyana pamusoro pemubairo weruremekedzo rwerunyararo wakapiwa mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, nerimwe sangano reku China.

Sangano re China International Peace Studies Center rakapa VaMugabe mubairo we we Confucius Peace Prize svondo rino.

Vamwe vanoti mubairo uyu, uyo unonzi wakaenzana nemubairo we Nobel Peace Prize, unopiwa nesangano riri ku Sweden, hauna zvikuru zvaunoreva sezvo China yagarawo ichipomerwa mhosva yekusakoshesa kodzero dzevanhu.

Asi vamwe vanoti mubairo uyu wakakosha sekukosha kunongoitawo mibairo inopiwa nemamwe masangano ari munyika dzinonzi dzine hutongo hwejekerere.

Vamwe vanoti sangano re China International Peace Centre harina kuita ongororo ine hudzamu pakusvika kwaro mukupa VaMugabe mubairo uyu, sezvo hurumende ichiri kuenderera mberi nekutyora kodzero dzevanhu.

VaMugabe vakapiwa mubairo uyu senzira yekuvaremekedza nekukwanisa kwavo kutonga pamwe nekushanda kwavo mukubatanidza nyika dzemu Africa.

Sangano iri rakatanga kupa mubairo uyu mugore ra2010 uye vamwe vakawana mubairo uyu kare ndevaive mutungamiri we Cuba, VaFidel Castro, nemutungamiri we Russia, VaVladmir Putin, avo vane nyika dzinonzi hadziremekedze kodzero dzevanhu.

Nyanzvi mune zvematongerwo enyika vachishanda vakazvimirira, VaCharles Mutasa, vanoti kusimukira kwenyika dzekumabvirazuva ndiko kwave kuita kuti dzipewo mibairo yakadai, senzira yekukwikwidzana nenyika dzekumawirira.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:34 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG