Accessibility links

Breaking News

Mutumbi waVaMugabe Wovigwa Mushure Mekunge Chivanhu Chaitwa kwaZvimba?


Sign Post for Mugabe Burial
Sign Post for Mugabe Burial

Hama dzevaimbova mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, dzinoti mutumbi waVaMugabe uchavigwa chete kana vachinge vapedza kuita chivanhu chavo.

Hama dzaVaMugabe dzinoti kuradzikwa kwemufi kuchaitwa mushure mekunge zvose zvinodiwa kuitwa muchivanhu chedzinza ravo zvazadziswa.

Mumwe wehama idzi ndiVa Dominic Matibili, avo vanoti babamukuru kuna VaMugabe. Vati pachaunzwa mutumbi waVaMugabe pamusha pavo, vesvondo vachapihwa mukana wekuita zvechechi, asi chivanhu ndicho chichange chiri pamberi.

Vari kutaura vakamirira mhuri yemufi, VaLeo Mugabe, vakati VaMugabe, avo vakashaya svondo rapera kuchiptara cheGlenEagles kuSingapore, vacharadzikwa kwapera mazuva makumi matatu.

Asi veruzhinji vari kubvunza kuti mutumbi waVaMugabe uchachengetedzwa sei kwenguva yakareba kudai.

Vamwe vasingaite zvechivanhu vanoti hapana chinotadzisa kuti mutumbi uyu ugare kwenguva yakareba kudai uri mumba ine chando inochengeterwa vanhu vakafa kana kuti mochari.

Asi munin’ina waVaMugabe, VaAugustine Chidhakwa, vaudza Studio7 kuti kunyange hazvo pasati pave nehurongwa hwakati tsvikiti hwekuti mutumbi uyu uchachengetedzwa sei kuti usaipe, vati pachivanhu pane mukana wekuti mutumbi uyu unoiswa muninga.

Ishe Dununu Zvimba, avo vanezita rekuzvarwa rekuti Raphael Zvikaramba, vaudza Studio 7 kuti chivanhu chichaitwa pamutumbi waVaMugabe hachisi kuzoziviswa veruzhinji.

Vati kuradzikwa kuchaitwa mutumbi waVaMugabe kumarinda anovigwa magamba enyika muzuva risati ranyatsozivikanwa, hakutadzise vehukama kuita chivanhu chavo pahama yavo.

Pane mashoko anga achitenderera ekuti VaMugabe vaive mambo pachivanhu chekumusha kwavo zvichapa kuti vavigwe pachivanhu sezviri kutaurwa nemhuri yavo asi VaChidhakwa vati mufi akaramba hushe.

Studio 7 yabva kwaZvimba yaendawo kumba kwaVaMugabe kuHarare iyo inozivikanwa nekuti Blue Roof kwatasvika madzishe achinzi anga ari mumusangano nevehukama vachizeya mafambisiro avachaita chivanhu chavo pakuvigwa kwaVaMugabe.

Pataenda pamhepo tanga tisati taziva kuti ndechipi chaizvo chivanhu chichaitwa pakuvigwa kwaVaMugabe.

Kumusha kwaVaMugabe migwagwa inoenda kumakuva yanga ichigadzirwa netarakita kunyange hazvo hurumende iri kuenderera mberi nekuita gadziriro dzekuviga VaMugabe paHeroes Acre.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:51 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG