Accessibility links

Breaking News

VaMugabe Vanoti Bumbiro Idzva Richatauriranwa Risati Raendeswa kuReferendamu


Mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe.
Mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe.
Mutungamiri wenyika, Va Robert Mugabe, vanoti veruzhinji vachaenda kureferendamu kana pave nekuwirirana pakati pemapato ari muhurumende yemubatanidzwa pamusoro pebumbiro idzva rakanyorwa richitungamirwa nekomiti yeparamende.

VaMugabe vataura izvi neMuvhuru pamarinda anovigwa magamba enyika pamhemberero dzemagamba akarwa muhondo yechimurenga.

VaMugabe vati referendamu ichaitwa bedzi kana pave nekuwirirana pakati pemapato ari muhurumende yemubatanidzwa.

Asi mapato maviri eMDC ari muhurumende anoti hapasisina nhaurirano dzichaitwa zvakare pabumbiro remitemo idzva rakanyorwa richitungamirwa neparamende uye mapato aya anoti kwangosara kuti vanhu vachiende kumusangano wechipiri we All Stakeholders Conference kozoendwa kureferendamu.

Asi komiti yeZanu PF yepamusorosoro yakabuda nechisungo svondo rapera chekuti panofanirwa kuitwa dzimwe nhaurirano pamusoro pebumbiro iri sezvo bato iri richiti harisi kufara nezvimwe zviri mubumbiro iri.

VaMugabe vatiwo mushure mereferendamu kuchazoitwa sarudzo uye vakurudzira mapato ezvematongerwo enyika kuti atsvage rutsigiro murunyararo.

Asi mutauriri weMDC-T, Va Douglas Mwonzora, vati mashoko aVaMugabe anoratidza kuti bato ravo riri kutya kupinda musarudzo. VaMwonzora vatiwo hapana zvekuti mapato agare pasi ataurirane zvakare pagwaro rakaburitswa nekomiti yeparamende.

Ukuwo mutauriri weMDC-N, VaNhlanhla Dube, vatiwo bato ravo harisi kuzodzokera shure panyaya yegwaro rebumbiro idzva. Vati mapato ose akawirirana nokudaro Zanu PF yava kuda kuchinja zvinhu zvayakanga yabvuma muhurukuro dzaiitwa nevamiriri vemapato.

Zvichakadai, mutungamiri wehurumende uye vari mutungamiri werimwe bato reMDC, VaMorgan Tsvangirai, vasveveredzwa nenhengo dze Zanu PF dzanga pavasvika. Asi izvi hazvina kufadza VaMugabe avo vabva vatsiura vanhu ava ipapo. VaMugabe vati vanhu vanosungirwa kuremekedza hutungamiriri hwese zvisinei nekusiyana kwavanoita munyaya dzezvematongerwo enyika.

Semagariro avo pamakungano akadai, VaMugabe vatorawo mukana uyu kutsoropodza zvirango zvakatemerwa ivo VaMugabe nevamwe vavo vari mu Zanu PF nenyika dzekumavirira vachiti zvirango izvi zviri kuwisira hupfumi hwenyika pasi.

VaMugabe vatsoropodza varimi vatsva vari kushanda nevarungu mumapurazi vachiti vanhu ava vachatorerwa minda kana vakaramba vachiita izvi.

VaMugabe vati vanhu vari kushanda nevarungu muminda ava vanosanganisira mamwe madzishe avasina kudoma nemazita uye vati hurumende haizotyi kutorera vanhu vakadai minda zvisinei nekuti ndiyani.
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:54 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:46 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


please wait

No media source currently available

0:00 0:02:39 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG