Accessibility links

Breaking News

VaTomana Votyisidzira Vatori veNhau neNyaya yaVaChihuri


Muchuchusi mukuru wenyika, VaJohannes Tomana, vanoti hurumende yemubatanidzwa yasvika kwamvura yacheka makumbo. Mashoko aVaTomana anoteverawo kunetsana muhurumennde nekupera kwaita nguva yepabasa yemukuru wemauto, VaConstantine Chiwenga, uye mukuru wemapurisa, Police Commissioner General VaAugustine Chihuri.

VaTomana vari kutyisidzirawo vatori venhau vari kunyora nyaya yekuti temu yaVaChihuri yasvika kumagumo vachiti vari kufukura hapwa uye vanogona kusungwa pasi pemutemo weOfficial Secrets Act sezvo vari kuda kukonzera kusagadzikana munyika.

Asi pasi pemutemo wePolice Act, temu yemukuru wemapurisa inopera kwapera makore mana, ichizowedzerwa gore rega rega.

Pasi pechibvumirano cheGlobal Political Agreement, GPA, mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vanofanira kuwirirana nemutungamiri wehurumende, VaMorgan Tsvangirai, vasati vagadza vanhu pamabasa epamusoro muhurumende.

VaTsvangirai vanoti havasi kuzorega VaMugabe vachiita madiro ajojina rwendo rwuno panyaya iyi.

Asi VaTomana vaudza Studio7 kuti VaMugabe chete ndivo vane simba iri.

Nyanzvi munyaya dzezvemitemo, uye vachidzidzisa paUniversity of Zimbabwe, Professor Lovemore Madhuku, vanovezve sachigaro weNCA, vanoti VaTomana havataure segweta nekuti havasi kutevedzera mutemo wenyika.

XS
SM
MD
LG