Gweta guru rehurumende VaPrince Machaya vanoti mapurisa anofanira kuferefeta masoja anonzi akapfura vanhu vakafa pamhirizhonga yakaitika muHarare musi wa1 Nyamavhuvhu iyo yakasiya vanhu vakawanda vakuvara uye vamwe vamwe.
VaMachaya vataura mashoko aya pavanga vachipa humbowo kukomisheni yakadomwa nemutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa kuti iongorore zvakaitika musi uyu.
Vachipa humbowo hwavo kukomisheni iyi iyo iri kutungamirwa nevakambova mutungamiri weSouth Africa VaKgalema Motlanthe, gweta guru rehurumende VaPrince Machaya vati hapana munhu ari pamusoro pemutemo munyika zvisinei nekuti ane chinzvimbo chipi.
Vachipindura mubvunza weimwe nhengo yekomisheni iyi, VaMachaya vati masoja akatorwa mifananidzo achiridza pfuti zvikurusei musoja akanga akagwadama achiridza pfuti inonzi yakanga yakananga varatidziri vanofanira kuferefetwa nemapurisa vachiti hapana chinotadzisa mapurisa kuita izvi.
Vabvunzwa maonero avo pamutongo wakaturwa nedare repamusoro reHigh Court wekuti vaiva gurukuota rezvekudzivirirwa kwenyika musi wakapfurwa vanhu vakafa musi uyu avo vave mumwe mutevedzeri wemutungamiri wenyika VaConstantino Chiwenga ndivo vakange vati masoja apinde mumigwagwa musi uyu, VaMachaya vati VaChiwenga vaisungirwa nemutemo kupihwa mvumo nemutungamiri wenyika yekuti masoja apinde mumigwagwa kuti anobatsirana nemapurisa.
Mukuru wemapurisa, VaGowin Matanga, vakaudza komisheni iyi nguva pfupi yapfuura kuti mutungamiri wenyika VaEmmerosn Mnangagwa ndivo vakapa masoja mvumo yekupinda mumigwagwa kunyange hazvo chinyorwa chinoratidza kuti izvi ndizvo zvakaitwa chisati chasvitswa kukomisheni iyi. VaMatanga vakati pangadai pakafa vanhu vakawanda musi uyu dai masoja asina kushandisa pfuti dzawo zvisina mwero. Asi mukuru wemauto, VaPhillip Valerio Sibanda, vakaudzawo komisheni iyi kuti masoja akazopinda mumigwagwa vanhu vatopfurwa kare.
Sachigaro webhodhi resangano remagweta anorwira kodzero dzevanhu reZimbabwe Lawyers for Human Rights, VaMordecai Mahlangu, vaudzawo komisheni kuti mhirizhonga dzose dzine chekuita nemasoja hadzisi kuferefetwa zvizere vakapa muenzaniso wemhirizhonga inonzi yakaitwa nemasoja pamberi pesarudzo yechipiri yemutungamiri wenyika yakaitwa muna 2008 yakakonzera kuti nhengo dzeMDC dzinodarika mazana mana dzirasikirwe nehupenyu.
Mumwe wevapa hufakazi ndiVaMeynard Manyowa vanove mutori wenhau anoshanda akazvimirira avo vati ndivo vakatora vhidhiyo ine musoja ainge akagwadama achiridzira varatidziri pfuti iyo yaasvitsa kukomisheni iyi. VaManyowa vanoti kubva zvavakatora mifananidzo yezvakaitika izvi hana haisisina kugadzikana kubudikidza nemhirizhonga yakaitika musi uyu.
Mutauriri wekomisheni iyi, VaJohn Masuku, vaudza Studio 7 kuti vane mamwe mavhidhiyo avakapihwa nemasangano enhau ekunze anoratidza zvakaitika musi uyu.
VaMasuku vati mutungamiri weMDC, VaNelson Chamisa, vave kutarisirwa kuzomira pamberi pekomisheni yavo neMuvhuro svondo rinouya mushure mekutadza kupa humbowo hwavo kukomisheni iyi nezuro sezvainge zvakatarisirwa
VaChamisa vanoti vanodawo kunzwisisa kuti mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangwagwa naVaChiwenga vachashevedzwa here kuzopa huchapupu hwavo sezvo mazita avo akataurwa nezvawo nevamwe vevafakazi vakapa humbowo hwavo kukomisheni iyi. Nyaya yekuti pane vakataura nezvaVaChamisa ndokusaka vakadaidzwa kuzopawo huchapupu.
Asi imwe nhengo yeZanu PF, VaTafadzwa Mugwadi vati havaone chikonzero chekuti VaMnangagwa naVaChiwenga vamiswe pekomisheni iyi.
Asi VaMasuku vati zviri kukomisheni yavo kuti vadaidze kana kurega VaMnangagwa naVaChiwenga kuti vazopa humbowo hwavo kukomisheni yavo.
Mumwe wevafakazi vapa humbowo hwavo kudare ndiVaSimeone Chipokosa avo vaudza komisheni iyi kuti vakamanikidzwa nemasoja kubukuruka mu kombi yavaiva pedyo nepaMarket Square musi uyu ndokubva vanzi vafambe netsoka vakabva vapfurwa gumbo vave kufamba netsoka.
VaChipokosa, avo vane makore gumi nemapfumbamwe vanoti vaibva kuchikoro pavakanzarwo nemasoja uye vanoti vachine bara repfuti riri mutsapfu yavo kubva musi wavapfurwa uyu.
Hurumende inotii pakafa vanhu vatanhatu pamhirizhonga musi uyu asi masangano anoshanda akazvimirira anoti vanhu vakapfurwa vakafa vanodarika gumi sezvo vamwe vevanhu ava vakafira munzira vachienda kuzvipatara.
Sangano ravana chiremba vanorwira kodzero dzevanhu reZimbabwe Doctors for Human Rights rinoti pane vanhu vazhinji vasina kumhan’ara zvakaitika kwavari sezvo richiti vanhu ava vaityirawo kuzoshungurudzwa nemapurisa.
Facebook Forum