Accessibility links

Breaking News

Muchuchisi Mukuru VaTomana Vanoramba Mashoko eKuti Vakabatawa neWikileaks Vacharegererwa


Muchuchisi mukuru wehurumende, VaJohannes Tomana varamba mashoko aburitswa nemamwe mapoka enhau ekuti vezvematongerwo enyika vakabatwabatwa nemakuhwa akaburitswa neWikileaks vacharegererwa.

VaTomana vaudza Studio7 kuti komiti yavakaumba kuti iongorore nezvenyaya iyi haisati yapedza basa rayo zvekuti ivo vange vave nechisungo panyaya iyi.

Mukutanga kwegore rino VaTomana vakaumba komiti iri kuongorora zvakabuda mumagwaro eWikileaks, danho rakaonekwa nevamwe senzira yekuda kubata nhengo dzeMDC, kusanganisira mutungamiri wehurumende VaMorgan Tsvangirai, nemhosva yekutengesa nyika.

Asi mamwe magwaro akazotevera mushure akabatabatawo nhengo dzeZanu PF, kusanganisira vakuruvakuru vanoti vatewedzeri wemutungamiri wenyika, Amai Joice Mujuru pamwe naVaJohn Nkomo, nemamwe vakuru vemauto.

Nyanzvi mune zvematongerwo enyika vachishanda vakazvimirira, VaCharles Mutasa vati panogona kunge paine hurongwa hwekurasa nyaya iyi, sezvo yavakufumura hapwa dzevakuru vari muZanu PF.

XS
SM
MD
LG