Accessibility links

Breaking News

Muchakabvu Martin Luther King Vorangarirwa muZimbabwe


Mumiriri weAmerica muZimbabwe, Va Charles Ray, vanoti vanhu vemuZimbabwe vanofanirwa kuramba vachirwira kodzero dzavo kudzamara kodzero dzavo dzava kuremekedzwa.

VaRay vataura mashoko aya mukucherechedza kwavo mabasa akaitwa nechizwara chekuAmerica, muchakabvu Martin Luther King Jr, avo vakaurayiwa vachirwira kodzero dzemunhu wose muAmerica.

Vachitaura paPrince Edward Boys High muHarare neChishanu, Ambassador Ray vati vanhu vemuZimbabwe vanofanirwa kuramba vakashinga mukurwira kodzero dzavo.

Ambassador Ray vatiwo hazvisi nyore kuti vanhu varwisane nehurumemende dzinombunyikidza kodzero dzavo. Asi vati vanhu vanobudirira kuwana kodzero dzavo kana vakaramba vakashinga.

Mumiriri weAmerica atora mukana uyu kukurudzira vakuru venyika dzose pasi rose kuti vashandire nyika dzavo, kwete kumbinyikidza vanhu, sezvo masimba achibva muvanhu. Vatiwo vana vemuZimbabwe vanofanirwa kuziva kuti chose chinoitika, chine magumo acho.

Zvimwe zvikoro zvanga zvauya kuzonzwa Ambassador Ray vachitaura zvinosanganisira Queen Elizabeth, Girls High neRoosevelt Girls High.

Zuva rekucherechedza mabasa amuchakabvu Martin Luther King, riri kuitwa zviri pamutemo neMuvhuro, 18 Ndira. VaKing vakaberekwa musi wa 15 Ndira 1929 mu Atlanta kuGeorgia. Vakapfurwa vakafa musi wa 4 Kubvumbi 1968 nevanhu vakanga vasingafarire basa ravo rekurwira kodzero dzemunhu wese muAmerica

XS
SM
MD
LG