Accessibility links

Breaking News

Mthwakazi Liberation Front Inoti Haisi Bato reMatongerwo eNyika


Sachigaro wesangano idzva rakaparurwa muBulawayo mukupera kwegore rapera, reMthwakazi Liberation Front, kana kuti MLF, VaMax Mkandla, vanoti sangano ravo harisi bato rezvematongerwo enyika, asi kuti imwe yenzira kuomesera Zanu PF, nekuve rimwe remazwi ari kuchemera kuti munyika muve negutsaruzhinji.

VaMkandla vanoti sangano ravo harimiriri vagari vekumatunhu eMatabeleland neBulawayo chete, asi kuti wese mwana weZimbabwe ari kuomerwa nemamiriro akaita zvinhu munyika pari zvino. Vatiwo MLF haisi kuzorwira zvigaro muhurumende.

Panga pava nemitauro yakawanda pamusoro pezvinangwa zvinonzi zvakanga zvaumbirwa bato iri, zvekuda kuti dunhu reMatabeleland rive nyika inozvitonga.

Svondo rapera, imwe nhengo yesangano iri, VaCrispen Nyoni, vakaudza Studio7 kuti MLF yaiva bato idzva rezvematongerwo enyika, izvo zviri kurambwa naVaMkandla.

Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika uye vari mudzidzisi paUniversity fo Zimbabwe, Professor John Makumbe, vanotiwo inyaya yakanaka kuti pave nemasangano akaita seMthwakazi Liberation Front anofanirwa kuwanikwa mumatunhu ose ari munyika asiri kusimudzirwa nehurumende. Asi vanoti chakaipa ipfungwa yekuti dunhu rizvimirire richizvitonga, izvo zvinozopatsanura nyika.

XS
SM
MD
LG