Accessibility links

Breaking News

Motokari Tsaru Dzomboramba Dzichipinda muZimbabwe


Hurumende inoti yambomisa hurongwa hwayo kwemwedzi mitanhatu hwekurambidza kupinda munyika motokari dzava nemakore mashanhu kana kudarika.

Hurumende yakanga yati izvi zvichatanga muna Zvita sezvo motokari dzekunze idzi dziri kukonzera njodzi mumigwagwa, uye kusvibisa mweya.

Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi, VaRejoice Ngwenya, vanoti idanho rakanaka kurambidza motokari tsaru sezvo motokari itsva dzichiva nehupenyu hwakareba uye dzisinganetsi.

XS
SM
MD
LG