Accessibility links

Breaking News

Mhuri Dzinodarika Zviuru Zvisere Dzotarisana neKuputsirwa Dzimba kuRuwa


VaIgnatius Chombo.
VaIgnatius Chombo.

Mhuri dzinodarika zviuru zvisere dzinonzi dzakatarisana nekupazirwa dzimba dzadzo kuRuwa mushure mekugariswa zvisiri pamutemo pane rimwe purazi nevemishandirapamwe inodyidzana neZanu PF.

Vagari vepaSolomio Farms Private Limited, iyo iri muRuwa, vanoti vari kugara vakabatira hura mumaoko zvichitevera matsamba avakapihwa nechikonzi ekuti vange vabva papurazi iri panosvika musi wa26 Chikunguru

Matsamba aya akauya zvichitevera kukwidzwa kwenyaya yekugariswa zvisiri pamurawu kwakaitwa vanhu munzvimbo iyi nevemishandirapamwe mishanu inonzi inodyidzana neZanu PF inoti Solomon Mujuru, Shingiriro, Devine Favoured, Low Income Housing Trust, pamwe neVaduku Housing Cooperative.

Sachigaro wekomiti inomirira vagari vemumusha weSolomio yeSolomio Residents Association, kana kuti SORA, VaMillward Kachere, vanoti mhuri dzinodarika zviuru zvisere dzichasara dzisina pekuisa misoro kana kupwanya kwedzimba idzi kukaenderera mberi.

VaKachere vanotiwo vana vanodarika zviuru zvishanu vanogara munzvimbo iyi vachasara vasisaende kuzvikoro kana nzvimbo iyi ikapazwa.

Mumwe mugari, Amai Monica Chisaira, vanoti chinonyanyovarwadza ndechekuti vakashandisa mazakwatira emari pavakatengeserwa masitendi aya nevemishandirapamwe iyi uye mukuvaka dzimba dzavo vachinzi vaizopihwa matsamba anoratidza kuti ndivo varidzi vemasitendi kana vachinge vapedza kubhadhara mari dzavainzi vabhadhare nevemishandirapamwe iyi.

Kunyange hazvo vagari vapihwa matsamba ekuti vange vabva panzvimbo iyi panopera mwedzi uno, mumwe mugari wenzvimbo iyi, VaZephaniah Mukaro, vanoti chiri kuvashamisa ndechekuti vatungamiri vemishandirapamwe iyi vari kuramba vachitora mari kwavari vachishandisa zvematongerwo enyika.

VaKachere vanoti sesangano rinomirira vagari venzvimbo iyi, vatotora danho rekutaurirana nevaridzi vepurazi iri, iro rinova pasi pekambani inodaidzwa kuti Landela Safaris, vachiti nhaurirano dzavo dzave pachinhanho chepamusoro.

Sachigaro wemubatanidzwa wemishandirapamwe iyi, uyo uri kudaidzwa kuti Consortium of Solomio Cooperatives , VaOrswell Gwanzura, avo vakakwikwidza musarudzo dzeparamende vakazvimirira vakakundwa nenhemgo yeMDC vasati vadzokera muZanu PF, vakaudza Studio7 parunhare kuti havakwanise kutaura nezvenyaya iyi sezvo vachiti vari pakati penhaurirano nevebhanga reZB bank ravanoti ndivo varidzi vepurazi reSolomio iri.

Asi munyori wekambani yeZB Bank, VaHardlife Nharingo, vakaudzawo Studio 7 parunhare kuti havana chavanoziva nezvenyaya yepurazi iri vachiti sebhanga havana chekuita nepurazi iri.

Tsvagiridzo yakaitwa neStudio 7 kumahofisi anopa mapepa enzvimbo kana kuti Deeds Office yakaburitsa pachena kuti purazi iri riri mumaoko eSolomio Farms Private Limited inova kambani iri pasi peLandela Safaris.

Mumwe mukuru mukambani yeLandela Safaris iyi, VaBarry Deacon, vakati titaure nemagweta avo nezvenyaya iyi.

Rimwe remagweta eLandela Safaris, VaEphraim Ndlovu, vakati titaure nerimwe gweta VaBlessing Dube vari kuBulawayo vanove vari kutungamira nyaya iyi, asi VaDube havasati vapindura mibvunzo yatakavatumira.

Hatina kukwanisa kutaura nemutauriri weZanu PF, VaSimon Khaya Moyo, kuti tinzwe divi rebato ravo panyaya iyi sezvo vanga vasingadaire nharembozha yavo.

Asi vane ruzivo nezvenyaya iyi avo vari mubato reZanu PF vasina mvumo yekutaura nevatori venhau vanoti bato ravo harisi kufara nekushandiswa zvisirizvo kwakaitwa zita rebato naVaGwanzura nevamwe vavo zvavanoti zviri kusvibisa zita remusangano wavo.

Magwaro ekumatare anoratidza kuti vemishandirapamwe ava vakatanga kugarisa vanhu papurazi iri muna 2013 uye kanzuru yeRuwa yakatobuda pachena mumagwaro ekumatare aya kuti haina nechekuita nenzvimbo iyi sezvo Solomio iri nzvimbo ine muridzi wayo.

Nyaya yechikiribidi papurazi iri yakabuda muThe Zimbabwe muna 2013 ichibata bata zita revaimbove gurukota rezvematunhu, VaIgnatius Chombo, vaimbove gurukota rezveminda, VaHerbert Murehwa, vaimbove mutevedzeri wegurukota rezvekutakurwa kwezvinhu, Amai Petronella Kagonye, pamwe nemukoma wamuchakabvu Solomon Mujuru, VaJoel Mujuru.

please wait

No media source currently available

0:00 0:06:26 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG