Accessibility links

Breaking News

Mo Ibrahim Foundation Inoti Zimbabwe Iri Kusimudzira Magariro eVanhu Asi Ichienderera Mberi neKutyora Kodzero Dzavo


VaMo Ibrahim sachigaro weMo Ibrahim Foundation.

Sangano rinoongorora mamiriro ezvinhu munyaya dzezvemagariro evanhu, matongerwo enyika uye hupfumi muAfrica, reMo Ibrahim Foundation, raparura gwaro rinoti mumakore gumi adarika, Zimbabwe ndiyo nyika muAfrica yose yabudirira zvakanyanya munyaya dzekusimudzira kumaruwa, kutanga mabhizimisi uye zvivakwa.

Zimbabwe inonziwo iri kuita zviri nani pahurongwa hwekurwisa huori.

Asi sangano iri rinoti zvinhu hazvina kumira zvakanaka munyaya dzekodzero dzevanhu uye dzidzo zvinova zviri kudzikira zvakanyanya.

Zimbabwe iri pachidanho chechimakumi matatu nematatu muAfrica panyika makumi mashanu neina dzakaongororwa mugwaro richangobuda iri rinonzi Ibrahim Index of African Governance.

Sangano iri rakavambwa nechizvarwa chekuSudan, VaMo Ibrahim, shoroma inogarawo kuBritain.

Sangano iri rinopawo mubairo unonzi Mo Ibrahim Achievement in African Leadership kune mutungamiri wemuAfrica anenge abudirira kusimudzira mabasa ehutano, dzidzo, hupfumi nezvimwe.

Panyika dzose dzemuAfrica, Mauritius ndiyo iri pamusoro soro uye Somalia iri pasi pasi pachidanho chechimakumi mashanu nemana.

Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi uye ichishanda nesangano reLabour and Economic Development Research Institute of Zimbabwe, Doctor Prosper Chitambara, vanoti zvinoburitswa nesangano raVaMo Ibrahim zvakakosha mukukwezva vemabhizimisi vekunze.

Vanotiwo Zimbabwe ine mitemo yakanaka asi haitevedzerwe zvinozopa kuti isarire mune zvimwe zvinhu zvakawanda. ​

Hurukuro naDoctor Prosper Chitambara
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:07 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG