Accessibility links

Breaking News

Mutungamiri weNyika, VaEmmerson Mnangagwa, Vanosvitsa Mudare Vachipikisa Magwaro aVaChamisa


Mangwana Zanu PF
Mangwana Zanu PF

Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vasvitsa mapepa avo kudare repamusoro-soro munyika reConstitutional Court ekupikisa chikumbiro chakasvitswa kudare iri nemutungamiri weMDC Alliance, VaNelson Chamisa, avo vanoti sarudzo dzemusi wa30 Chikunguru dzakabirirwa.

Magweta aVaMnangagwa asvitsa mapepa kudare reConstititutional Court achipikisa chikumbiro chaVaChamisa chekuti zvakabuda musarudzo dzemwedzi wapera zvisendekwe parutivi.

VaChamisa vanoti sarudzo idzi dzakabirirwa zvemhando yepamusoro-soro vachiti ndivo vakakunda musarudzo iyi kunyange hazvo komisheni inoona nezvesarudzo yeZimbabwe Electoral Commission, Zec, yakazivisa kuti VaMnangagwa ndivo vakakunda musarudzo iyi.

Rimwe remagweta aVaMnangagwa uye vari munyori anoona nezvemitemo muZanu PF, VaPaul Mangwana, vatsinhira kuti vasvitsa mapepa avo kudare.

VaMangwana vati mapepa avasvitsa kudare anotsinhira zvakataurwa neZec kuti VaMnangagwa ndivo vakakunda musarudzo yemutungamiri wenyika vakati vanotarisira kuti nyaya iyi haifanire kutora nguva paichanzwikwa mudare.

Magweta aVaMnangagwa akamboedza kusvitsa mapepa awo nemusi weMuvhuro asi akawana dare reConstitutional Court rakavhara sezvo raive zuva rezororo.

Zvichitevera kusvitswa kwemagwaro aya, VaChamisa vane mazuva matatu avanosungirwa nebumbiro remitemo yenyika kupindura zvaiswa mudare naVaMnangagwa, ndokana vachida kuita izvi, uye vanofanirwa kuisawo zvizere misoro yenhanganyaya yavo, kana kuti heads of arguments.

Kana izvi zvichinge zvaitwa, dare rinochitanga kunzwa nyaya iyi.

Dare Constititutional Court rinofanirwa kupedza nyaya iyi mukati memazuva gumi nemana.

Zvichakadai, mutungamiri wemubatanidzwa weCoalition of Democrats, VaElton Mangoma, avo vakakwikwidzawo musarudzo yemutungamiri wenyika vakakundwa naVaMnangagwa naVaChamisa, vaudza Studio7 kuti ongororo yavakaita yezvakabuda musarudzo inoratidza kuti VaMnangagwa havana kuwana mavhoti akaziviswa neZec vachiti ongororo yavo yakaburitsa pachena kuti VaMnangagwa havana kuwana mavhoti anokodzera kuti vagadzwe semutungamiri wenyika.

VaMangoma vati panotofanirwa kuitwa sarudzo yechipiri yemutungamiri wenyika pakati paVaMnangagwa naVaChamisa.

VaMangoma vati ongororo yavakaita yakaratidza kuti VaMnangagwa vakawana mavhoti zvikamu makumi mana nezvisesre zvine zvidimu zvinomwe kubva muzana, kana kuti 48.7 percent uye VaChamisa vakawana zvikamu makumi mana nezvisere zvine chidimu chimwechete kubva muzana, kana 48.1 percent.

VaMangoma vati vachasvitsawo mapepa avo kudare mangwana sezvo vari mumwe wevanhu vese vakakwikwidza musarudzo yemutungamiri wenyika vakanyorwa pamapepa naVaChamisa kuti vape mhinduro dzavo kudare pachikumbiro chakasvitswa naVaChamisa kudare reConstitutional Court chekuti zvakabuda musarudzo zvisendekwe parutivi.

Kunyange hazvo mashoko aVaMangoma achipesana neaVaChamisa ekuti VaChamisa vari kuzviti ndivo vakakunda musarudzo, pane kuwirirana pakati pevaviri ava panyaya yekuti sarudzo hadzina kufambiswa zvakanaka.

Pasi pebumbiro remitemo, dare reConsitutional Court ndiro chete rinopa mutongo panyaya dzakadai, uye zvaratura hazvipikiswe.

please wait

No media source currently available

0:00 0:05:14 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG