Accessibility links

Breaking News

VaMnangagwa Vanoti Sarudzo Dzakapera Yava Nguva yeKuvandudza Hupfumi hweNyika


Zimbabwean President Emmerson Mnangagwa right, sits with his Deputy Constantino Chiwenga during a Heroes' Day event to commemorate the lives of those who died in the southern African country's 1970s war against white minority rule, in Harare, Aug. 13, 201
Zimbabwean President Emmerson Mnangagwa right, sits with his Deputy Constantino Chiwenga during a Heroes' Day event to commemorate the lives of those who died in the southern African country's 1970s war against white minority rule, in Harare, Aug. 13, 201

Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vati nyika yava kufanira kusendeka parutivi nyaya dzesarudzo yoenderera mberi nekuvandudza hupfumi hwenyika.

Mashoko aVaMnangagwa aya anouya panguva iyo MDC Alliance iri kupikisa zvakabuda musarudzo dzemusi wa30 Chikunguru.

Vachitaura pamarinda anovigwa magamba enyika paHeroes Acre apo panga pachirangarirwa magamba enyika, VaMnangagwa vati yave nguva yekutarisa hupfumi hwenyika sezvo sarudzo dzakapfuura.

Rimwe gurukota rehurumende yaVaMnangangwa, VaSupa Mandiwanzira, vati chakakosha ndechekuti hurumende ione kuti vechidiki vaenda kumabasa uye maindasitiri avhura zvavati ndirwo rugare rwakarwirwa nemagamba enyika muhondo yeChimurenga.

Chipangamazano chaVaMnangagwa, VaChristopher Mutsvangwa, avo vakakundwa musarudzo yemumiriro weNorton muparamende, vaudza Studio7 kuti mutungamiri weMDC Alliance, VaNelson Chamisa, avo vari kukwikwidza zvakabuda musarudzo dzemusi wa30 Chikunguru kumatare, vanofanira kusiyana nenyaya dzekumatare vouya voshanda pamwe chete navo mukusimudzira hupfumi hwenyika.

Imwe nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika uye vachishanda vakazvimirira, VaVivid Gwede, vati hapana chingafambe munyika munyaya dzehupfumi kana paine makakatanwa ezvematongerwo enyika.

KuHeroes Acre kwanga kuine vanhu vashoma zvichienzaniswa nezvinomboitika makore apfuura, asi kwanga kwakazarisa nemauto nemasoja.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:20 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG