Accessibility links

Breaking News

Magweta aVaMnangagwa Okurudzira VaMusengezi Kubvisa Nyaya Yavakaisa Mudare


President Emmerson Mnangagwa addressing senior members of Zimbabwe ruling Zanu PF party on Oct. 29, 2021 in Bindura about 80km north of Harare (Columbus Mavhunga/VOA)
President Emmerson Mnangagwa addressing senior members of Zimbabwe ruling Zanu PF party on Oct. 29, 2021 in Bindura about 80km north of Harare (Columbus Mavhunga/VOA)

Magweta emutungamiri weZanu PF, VaEmmerson Mnangagwa, akanyorera magweta eimwe nhengo yeZanu PF, VaSybeth Musengezi, nezuro achikurudzira VaMusengezi kubvisa nyaya yavakaisa kumatare yekuti VaMnangagwa havana kutora chigaro chemutungamiri webato ravo zviri pamutemo zvichitevera kusiya basa kwakaita vaimbove mutungamiri wenyika, mushakabvu VaRobert Mugabe muna 2017.

Magweta aVaMnangagwa anoti VaMusengezi haisi nhengo yeZanu PF saka nokudaro havana kodzero yekuti vaendese VaMnangagwa kumatare nenyaya dzemuZanu PF.

Magweta aVaMnangagwa atiwo VaMusengezi havana kushandisa nzira dzose dzavangakwanisa kushandisa muZanu PF kuti chichemo chavo chigadziriswe.

Asi gweta raVaMusengezi, VaNqobani Sithole, vati zviri kutaurwa naVaMnangagwa kubudikidza nemagweta avo hazvina musoro uye vati nyaya iyi inofanira kuenderera mberi.

Vachinyorawo padandemutande ravo reTwitter, VaMusengezi vati bhora haripere nguva yaro isati yakwana.

VaMusengezi vanoti VaMnangagwa havana kusarudzwa zviri pachena muna 2017 pachitevedzerwa bumbiro remitemo reZanu PF kuti vatungamire bato iri nokudaro vanofanira kusiya chigaro ichi.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG