Accessibility links

Breaking News

VaMnangagwa Vanosvika kuMusangano weWorld Economic Forum kuSouth Africa


VaEmmerson Mnangagwa

Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vasvika muSouth Africa kumusangano weWorld Economic Forum on Africa uri kuitirwa kuCape Town.

VaMnangagwa vari kutarisirwa kubatana nevamwe vatungamiri venyika dzemuAfrica nevamwe venyika dzakabudirira.

Musangano uyu uri kutanga neChitatu uchipera nemusi weChishanu kuCape Town International Convention Center.

Ko Zimbabwe pane chainobura here pamisangano yakadai sezvo VaMnangagwa vachangobva kumuysangano we Tokyo International Conference on African Development kuJapan vamwe vachiti vakafambira dhongi rakaora?

Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi, VaCallisto Jokonya, vanoti misangano yakadai yakakosha zvikuru kuZimbabwe.

Mashoko aya atsinhirwawo namuzvinabhizimisi ari nhengo yeZanu-PF, VaGilbert Muponda, avo vati musangano uyu unopa Zimbabwe mukana wekuumba hushamwari nenyika dzakaitemere zvirango.

VaJokonya vati Zimbabwe inofanira kunyatsouya nemazano akajeka kuti iwane chouviri pamisangano yakadai.

Asi mumwe wevatevedzeri vebato rinopikisa reMDC, uye vaimbova gurukota rezvemari muhurumende yemubatanidzwa, VaTendai Biti, vanoti misangano iyi kuteya nzou neriva.

Vati VaMnangagwa vanongoenda kumisangano pasina chinobuda nekuti hapana vekunze vanoda kudyidzana neZimbabwe nenyaya yekutyora kodzero dzevanhu.

VaBiti vati vanhu vemuZimbabwe vanofanira kutanga vabatana, asi vakati havaone VaMnangagwa vari ivo vangatungamire hurongwa uhu.

Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi vari mukuru wesangano reLabour and Economic Development Research Institute of Zimbabwe, Doctor Godfrey Kanyenze, vanoti zvakakosha kuti vanhu vemunyika vatange vataurirana vasati vaenda kunze kunotsvaga vanoda kutanga mabhizimisi munyika.

Mumashoko kuvatori venhau, mutauriri wemutungamiri weSouth Africa, VaCyril Ramaphosa, Muzvare Khusela Diko, vati mutungamiri wenyika iyi achatungamira chikwata chemakurukota avo.

Musangano uyu uri kuitwa pasi pedingindira rakanangana nekukurudzira kudyidzana munyaya dzezvekutengeserana kuburikidza nehumhizha hwechizvino zvino.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:41 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG