Accessibility links

Breaking News

MMPZ Inoti Herald neZBC Ngadzivandudzwe Mashandiro Adzo


Sangano rinoongorora zvinobuda munhau kuti zviri kuitwa nenzira kwayo here kana kuti kwete, reMedia Monitoring Project of Zimbabwe, kana kuti MMPZ, rinoti vemapepanhau pamwe nenhepenyuro dzehurumende vari kuramba vachinyomba uye kuburitsa nhau dzemanyepo zvikuru pazvinhu zvinonzi zviri kuitika mupato maviri eMDC.

MMPZ inoti masangano aya ari kuramba achibudawo pachena kuti anotsigira Zanu PF, chinova chinhu chisina kunaka.

MMPZ inoti kunyange hazvo zvikazobuda pachena kuti nyaya dzavanenge vabuditsa dzinenge dzisiri dzechokwati, venhepfenyuro yeZBC nemavepanhau anoti Sunday Mail, Herald, Chronicle pamwe chete neSunday News, havagadzirisi nyaya dzavanenge vaburitsa, kana kukumbira ruregerero kuvaverengi pamwe nekumapato maviri eMDC.

Sangano iri rinoti mapepanhau aya, pamwe nenhepfenyuro dzacho, vanofanirwa kutevedzera chibvumirano cheGlobal Political Agreement, kana kuti GPA, nekushanda vasina divi ravanorerekera. GPA inokomekedza nhepfenyuro idzi, pamwe nemapepanhau kuti asatore mative mukuita mabasa awo.

Svondo rapera nemusi weChina, Herald yakaburisa nyaya yekuti mudzimai wemutungamiri wehurumende, VaMorgan Tsvangirai, vakange vabuda munyika vachienda kuSouth Africa neku India kunotenga zvinhu zvichashandiswa pamuchato wavo.

Asi nemusi weChishanu apo VaTsvangirai vakaonekwa kuBudiriro vaine mudzimai wavo, uyo ainzi akanga abuda munyika neHerald, iyo yakazobudisa nyaya yekuti mudzimai wemutungamiri wehurumende akanga akanzura rwendo rwake pasina tsananguro.

Chipangamazano cheMMPZ, VaEdson Madondo, vanoti hurumende inofanirwa kuvandudza mashandiro anoita ZBC nemapepanhau eZimpapers.

Mutauriri weMDC inotungamirwa naVaTsvangirai, VaDouglas Mwonzora, vanoti bato ravo harisi kufara zvachose nezviri kuitwa nemapepanhau eZimpapers pamwe nenhepfenyuro yeZBC.

XS
SM
MD
LG