Accessibility links

Breaking News

VaMliswa Voronga Kuendesa Hurumende kuMatare eDzimhosva


Sachigaro Vekomiti yeParamende Inoona neZvezvicherwa, VaTemba Mliswa Vanoti Vachadaidza VaObert Moyo Zvakare
Sachigaro Vekomiti yeParamende Inoona neZvezvicherwa, VaTemba Mliswa Vanoti Vachadaidza VaObert Moyo Zvakare

Mumiriri weNorton muNational Assembly, VaTemba Mliswa, vazivisa dare iri kuti vave kukwidza hurumende kumatare edzimhosva nenyaya yekuzvidza pamwe nekusatevedza zvisungo zvedare iri.

Ukuwo gurukota rinoona nezvamhando dzemoto, VaFortune Chasi, vaudzawo paramende kuti vari kuronga kukwidza mutengo wemagetsi kuti uenderane nemutengo wemagaya kana kumatenga kubva kunedzimwe nyika.

Vachitaura muNational Assembly, VaMliswa, avo vasina bato ravanomirira, vaudza vange vakabata chigaro chemutauriri wedare iri, Amai Tsitsi Gezi, kuti pane zvinhu zvakawanda zvinobvumiranwa mudare iri zvisingatevedzwe nehurumende.

Vati semuenzaniso pakabvumiranwa kuti senzira yekusimudzira magariro enhengo dzedare iri, nhengo idzi dzinofanira kupihwa nzvimbo dzekuvakira dzimba asi izvi hazvisati zvaitwa.

Vatiwo mari dzinotambira nhengo dzeparamended dzave pasi zvekuti hadzina zvadzinobatsira.

Vatiwo chimwe chinotsamwisa ndechekuti vakabvumirana kuti nhengo dzeparamende dzitengerwe motokari dzinokosha makumi masere ezviuru zvemadhora ekuAmerica asi ikozvino vave kuzotengerwa motokari dzinokosha madhora makumi mashanu ezviuru zvemadhora chete.

Vati nhengo dzeparamende dzinoita basa rakakosha zvikuru uye hurumende inofanira kudziremekedza.

Vati kana hurumende ikasaita zvese zvavakabvumirana vave kukwidza nyaya iyi kuparamende.

Zvichakadai gurukota rinoona nezvemhando dzemoto, VaFortune Chasi, vaudza nhengo dzeparamende kuti vari kuronga kukwidza mutemo wemagetsi kuti uenderane nemutengo wekugaya kana kuti kuatenga kubva kune dzimwe.

Vachipindura mubvunzo kubva kunhengo dzedare iri, VaChasi vati chimwe chikonzero chiri kuita kuti kambani yemagetsi yeZESA itadze kuita basa rayo nemazvo inyaya yekuti mutengo wemagetsi weZESA uri pasi pemutengo wekugadzira magetsi aya.

Pavabvunzwa kuti sei ZESA isiri kushambadza mazita evanhu vanezvikwereti kukambani iyi, VaChasi vati pane vanhu vakawanda vanosvika mazana masere ezviuru uye ZESA, iyo isina mari, ingarasikirwe nemari kana ikada kushambadza mazita evanhu aya mumapepnhau nemudzinhepfenyuro.

Nyika yakatarisana nedambudziko guru rekushaikwa kwemagetsi zvekuti nzvimbo zhinji nyika yese dzave kuwana magetsi kwemaawa mana chete pazuva.

Mumiriri weHarare East, VaTendai Biti, vaudza VaChasi kuti izvi zvave kukangananisa maindasitiri, mabhizimisi, pamwe nemararamiro evanhu munyika.

Mune imwewo nyaya, nhengo dzeparamende dzange dzichida kuziva kuti hurumende iri kuita sei panyaya dzemihoro yevashandi vayo uye mutevedzeri wegurukota revashandi, VaLovemore Matuke, vati pane nhaurirano dziri kuitwa uye hurumende ichazivisa zvinenge zvabuda munhaurirano idzi mukati memazuva mashomanana ari kutevera.

Pavabvunzwa kuti sei hurumende yakapa masoja mari yekubatsirikana yemazana mana emadhora pamunhu uye yainge yaronga kupa vamwe vashandi vayo madhora makumi mapfumbamwe nemadhora manomwe pamunhu, VaMatuke varamba kuti hapana zvakadaro sezvo nhaurirano pamusoro penyaya iyi dziri kuenderera mberi.

Vachipindurawo mibvunzo muparamende, gurukota rezvemukati menyika, VaCain Matema, vati hurumende ichaongorora nyaya yekuti vatungamiriri vesangano reZCTU vakatumirwa mabara pamwe neyemurwiri yekodzero yavanhu, VaItai Dzamara, uye vachazivisa paramende neveruzhinji zvinenge zvabuda muongororo idzi.

Mumiriri weMutare Central, VaInnocent Gonese, vabvunzwo kuti hurumende iri kuiteyi kuchengetedza mudzimai wemutungamiriri wenyika zvichetevera mashoko akabuda pamadandemutande vachiti pane vanhu vari kuvaongorora mashandiro avo nekuvatevera.

Asi VaMliswa vati VaMatema vasapindure mubvunzo waVaGonese sezvo pasina humbowo hunoratidza kuti zvakabuda pamadandemutande ndezvechokwadi here.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG