Accessibility links

Breaking News

VaMliswa Vanoudza Komiti yeParamande Kuti VaTundiya Itsotsi


Shepard Tundiya and Temba Mliswa
Shepard Tundiya and Temba Mliswa

Vaimbove sachigaro vekomiti yeparamende inoona nezvemigodhi, VaTemba Mliswa, vaudza komiti yeparamende iri kuongorora nyaya yehuwori yavari kupomerwa nevamwe vavo kuti muzvinabhizimisi, VaShepard Tundiya, munhu anoita zvechitsotsi.

VaMliswa vati vakatomborambidza VaTundiya kutaura pamusangano wavakaronga pakati pavo ivo VaTundiya nenhengo dzeparamende namuzvinabhizimisi, VaJames Ross Goddard.

Vachipa huchapupu kukomiti iri kuvaongorora, VaMliswa vabvuma kuti musangano wavakapinda wainge warongwa naVaTundiya avo vainge vavimbisa VaGoddard kuti vaikwanisa kubatsirwa nekomiti yezvemigodhi kuwana contract yekuchera marasha kuHwange.

Asi VaMliswa vati vakaudza VaGoddard kuti havana rubatsiro rwavaikwanisa kuvapa uye vaifanira kunoona gurukota rezvemutemo, sezvo kambani yeHwange Colliery yaive yave kugurukota iri nekuti yainge yave kuvakiridzwa.

VaMliswa vati vakarambidza VaTundiya nekuti munhu wavanoziva setsotsi uyewo munhu aimbenge apa humbowo kukomiti yavo maererano nezvaitika kukambani yeHwange.

Varamba kuti vakakumbira mari yechioko muhomwe uye vati vakakatyamadzwa kuti VaGoddard vaida kubatsirwa nemunhu akaita saVaTundiya ivo vari munhu anozviitira mabhizimisi ake uye vachizivana nemutungamiriri wenyika.

VaMliswa, VaLeaonard Chikomba veZanu PF, VaPrice Sibanda naVaAnele Ndebele vari kupomerwa mhosva yekukumbira zviuru mazana mana zvemadhora semari yekuti vabatsire VaGoddard kuti vakwanise kuwana contract kuHwange.

Asi vese varamba izvi.

Vachipawo humbowo kukomiti iyi, VaChikomba varamba kuti vakakumbira mari kuna VaGoddard.

VaChikomba vati VaTundiya vane chikwereti chavo chemadhora zviuru zviviri nezana remadhora, uye vakaenda kumusangano naVaGoddard sezvo vainge vaudzwa naVaTundiya kuti VaGoddard vainge vauya nemari yekuzovabhadhara.

Vati vakaperekedzwa naVaSibanda naNdebele kunotora mari yavo uye vainge vasingazive kuti VaGoddard vaida kutaura nezvekuHwange.

Vatiwo vakazokoka VaMliswa sezvo vaiziva kuti VaTundiya munhu anoita zvechitsotsi.

VaChikomba vabvuma kuti vainge vapa VaGoddard Account yavo nekuti vainge vaudza naVaTundiya kuti ndivo vaizobhadhara chikwereti chavo.

Vati vanobva vese kuGokwe naVaTundiya vaitomboda kuvasungisa asi vakuru vakati vasamusungisa sezvo vari mwana wekumusha.

Vatiwo havasi kufara kuti vave kushungurudzwa nenyaya yekuti VaTundiya vari kuramba kuvapa mari yavo kubvira muna 2011.

VaSibanda varambawo kuti vakakumbira mari yechioko muhomwe kubva kuna VaGoddard vachiti vakaperekedza VaChikomba kuenda kunotora mari yavo kuna VaTundiya.

Vati vakatoziva nezvenyaya yekuti vainge vakumbira chioko muhomwe munyaya dzaibuda muHerald uyewo pavakashevedzwa nemapurisa.

NeChipiri VaTundiya vakaudza komiti iyi kuti nhengo dzeparamende idzi dzainge dzisina kutsvaga chioko muhomwe kuna VaGoddard asi kuti VaChikomba ndivo vaida Loan kubva kuna VaGoddard.

VaGoddard vakaudza komiti iyi kuti vainge vakumbirwa mazana mana ezviuru zvemadhora naVaTundira ichinzi yaidiwa nenhengo dzeparamende idzi.

Vati vakaramba kubhadhara mari iyi uye vakazonoudza mutevedzeri wemutungamiriri wenyika, VaKembo Mohadi, izvo zvakazoita kuti ibude pachena.

VaGoddard vati VaTundira vakavaudza kuti vainge vatumwa nemutungamiriri wenyika kuti vagadzirise zvinhu mukambani yeHwange Colliery.

Komiti iyi iri kutungamirirwa naIshe Fortune Charumbira yapedza kunzwa humbowo uye ichazeya zvayanzwa yozonyora gwaro raichatura kudare reparamende.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:51 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG