Accessibility links

Breaking News

Mitengo yeZvinhu Yokwira Zvakanyanya Zvosiya Vakawanda Vasina Chekubata


Muzzvinafundo Mthuli Ncube
Muzzvinafundo Mthuli Ncube

Vanhu vakawanda munyika vari kuchema chema nenyaya yekukwira zvakanyanya kwoita mitengo kunyangwe vasiri kuenda kumabasa nekuda kwekurudziro yehurumende yekuti vagare mudzimba nekuyedza kudzivirira kupararira kwechirwere cheCovid-19.

Ko chii chapa kuti mitengo yezvinhu irambe ichiwedzerwa zvakadai kunyangwe hurumende yange ichiti zvinhu zviri kugadzikana munyaya dzezvehupfumi?

Mafuta ekufambisa dzimotokari nemitero inobhadharwa pamatoll gates yakawedzerwa mavhiki apera izvo zvakapa kuti zvinhu zvakawanda zvitange kuwedzerwa mutengo.

Mabhazi eZUPCO nemakombi acho akawedzerawo mutengo. Panzendo dzaibhadhariswa madhora gumi nematanhatu, vanhu vave kunzi vabhadhare madhora makumi matatu nemaviri. Makombi panzendo dzaibhadharwa makumi matatu emadhora, ave kubhadharisa madhora makumi matanhatu.

Mukuru weConfederation of Zimbabwe Retailers, VaDenford Mutashu, vanoti zvinhu zvakawanda zvakwira mutengo kusanganisira hupfu, mupunga, chingwa munyu nemafuta ekubukisa.

Sachigaro we CEO Africa Roundtable uye vari nyanzvi munyaya dzezvehupfumi, VaOswell Binha, vanotiwo nyika iri kutanda botso nenyaya yekusagadzirisa nyaya yekuti yoshandisa mari ipi, yekunze here kana yemunyika.

Vanoti mari yekunze inenge yotanga kunetsa zvopa kuti vamwe vatange kuenda pamukoto kunotsvaga mari zvokwidza mitengo yezvinhu.

Munyori mukuru musangano revashandi reZimbabwe Congress of Trade Union, VaJaphet Moyo, vanoti mitengo yezvinhu munyika yakwira kunyangwe mihoro yevashandi isiri kuwedzerwa zvavanoti zvaomera mushandi munyika.

Mutauriri webato riri kutonga reZanu-PF, VaSimon Khaya Moyo, vakaburitsa mashoko ekushora zvikuru nyaya yekukwidzwa kwemitengo yezvinhu asi vamwe vanoti hurumende ndiyo iri kutanga kukwidza mitero zvopa kuti vemabhizimisi vaitweo zvimwe chetezvo.

Gurukota rezvemari, Muzvinafundo Mthuli Ncube, vainge vati vanotarisira kuti hupfumi huchakwira nezvikamu zvinodarika zvinomwe kubva muzana kana kuti 7,4% gore rino asi nyanzvi munyaya dzezvehupfumi dzinoti izvi zvinonetsa kuti zvizadzikiswe nenyaya yeCovid-19 nemamwe matambudziko akatarisana nenyika.

Nyaya Ina Blessing Zulu
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:36 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG