Accessibility links

Breaking News

Mitambo yeNhabvu ye2010 World Cup Inotanga muSouth Africa


Mitambo yenhabvu yepasi rose, ye 20110 World Cup yaparurwa zviri pamutemo neChishanu munhandare yeSoccer City Stadium.

Vachitaura pakuvhurwa kwemitambo iyi, mutungamiri weSouth Africa, VaJacob Zuma, vati chinhu chinodadisa zvikuru kuva nemukana wekuparura makwikwi enhabvu yepasi rose rwendo rwuno. Vatungamiri venyika dzemuAfrica, kusanganisira mutungamiri weZimbabwe, VaRobert Mugabe, vange varipowo pakuvhurwa kwemitambo iyi.

Mumashoko avo ekuparura mitambo iyi, mutungamiriri weFIFA, VaSepp Blatter, varumbidza zvikuru vaimbove mutungamiri weSouth Africa, VaNelson Mandela, nendima yavakatora mukuunza mitambo iyi muAfrica.

Nyika makumi matatu nembiri dziri mumakwikwi aya. South Africa iri muGroup A, umo mune nyika ina dzinoti Mexico, France, Uruguay naiyo South Africa.

Mumutambo wekutanga weSouth Africa neMexico, zvikwata izvi zvaita mangange 1 kwa 1, ukuwo France neUruguay dzaitawo mangange 0 kwa 0.

Italy ndiyo yakatora mukombe we2006 World Cup mushure mekukunda France mumakwikwi akaitirwa kuGermany.

XS
SM
MD
LG