Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Muvhuro , Zvita 21, 2020 


Misoro yeNhau
Misoro yeNhau

Huwandu hwevanhu vari kufa nekubatwa nechirwere cheCovid 19 hworamba huchiwedzera mushure mekufa kwemumwe mukuru wechikoro kuMasvingo.

Vakoti vanoti vari kushanda vasina zvekuzvidzivirira kuchirwere cheCovid-19 zvopa kuti vatapurirwe chirwere ichi.

Vemabhizimisi vonetsana nehurumende nedanho rayo rekuti vabhabdhare mutero wemupunga kubva muna 2017.

Mumwe murairidzi otongerwa kugara mujeri kwemwedzi gumi nemitanhatu mushure mekubatwa nemhosva yekuti aida kuratidzira zvine mhirizhonga zvoshorwa nemasangano evashandi.

Mutori wenhau weNewsday Charles Laiton anoshaya.

Muimbi Winky D okunda mumakwikwi eAfrica Entertainment Awards.

Studio 7 inotarisa zviri kuitika muAmerica mukutambidzana kwemasimba pakati pemutungamiri achangosarudzwa, VaJoe Biden, pamwe nevari kusiya basa semutungamiri weAmerica, VaDonald Trumpa avo vachiri kuramba kutambira zvakabuda musarudzo.

Muchirongwa cheLiveTalk na 8pm nhasi, tiri kutarisa kupararira kwechirwere cheCovid-19, zviri kuitika muAmerica pakutambidzana masimba uye gadziriro yezororo rekisimusi.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm .pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, ne 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 6175, 7255 Short Wave.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG