Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Muvhuro, Mbudzi 30, 2020


Misoro yeNhau
Misoro yeNhau

Mumwe munhu ofa nechirwere cheCovid-19 kuMatabeleland South nezuro vamwe zana nemakumi maviri nevasere vachibatwawo nechirwere ichi munyika.

Basa rekuburitsa vanhu vanodarika makumi matatu vakawirwa nemugodhi weRan Mine roenderera mberi asi paine njodzi huru sezvo mumwe aibatsira akafa mushure mekudonherwa nedombo uye ave kuvigwa nerubatsiro rwehurumende.

Amai Mary Mubayiwa, vaimbova mudzimai wemutevedzeri wemutungamiri wenyika VaConstantino Chiwenga voenda kudare vari muambulance mushure mekunge mutongi wedare ati vasungwe kana vasina kuuya kudare kunyangwe gweta ravo range rati vari kurwara.

Meya weguta reHarare VaJacob Mafume vonyimwa mukana wekubvisa mari yechibatiso pamhosva yehuori yavari kupomerwa.

Munyaya dzezvehutano, nhasi tiri kuzeya nezvegomarara remudumbu kana kuti colon cancer iro rouraya vanhu vakawanda munyika

Muchirongwa cheLive Talk na8pm, tiri kutarisa zviri kuitika munyika munyaya dzeCovid-19 uye tichatarisawo zviri kuitika muAmerica pakutambidzana masimba mushure mekupera kwesarudzo.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, ne 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 6175, 7255 Short Wave.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG