Accessibility links

Breaking News

Misoro yenhau, Muvhuro, Mbudzi 15, 2021  


Misoro yeNhau
Misoro yeNhau

Munhu mumwe chete akafa nechirwere cheCovid-19 nezuro ukuwo hurumende ichiti yave nenhomba dzinosvika mamiriyoni makumi maviri kana kuti 20 million.

Mutauriri webato reZanu-PF VaSimon Khaya Moyo vakashaya nezuro voitwa gamba renyika.

Zimbabwe yorangarira kupidigurwa nemauto kwehurumende yamushakabvu Robert Mugabe makore mana adarika.

Sangano reInternational Fund for Agricultural Development kana kuti IFAD riri pasi pegungano reUnited Nations raparura homwe yemari inosvika mamiriyoni makumi matanhatu nemanomwe ane zviuru zvina nezvitatu kana kuti 67, 43 million kubatsira varimi vekumaruwa muZimbabwe vanosvika zviuru zvinomwe nezvisere.

Muchirongwa cheLiveTalk na8 pm manheru ano, tiri kutarisa nyaya yechirwere cheCovid-19 uye rufu rwevaive mutauriri weZanu-PF VaSimon Khaya Moyo nekupidigurwa kwehurumende yaMushakabvu Robert Mugabe nemauto.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, ne 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 6175, 7255 Short Wave.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG