Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Muvhuro, Mbudzi, 01, 202


Misoro yeNhau

Bazi rezvehutano rinoti munhu mumwe chete akafa nechirwere cheCovid-19 nezuro zvasiya vafa nacho kubva zvachatanga kupararira vave zviuru zvina nemazana matanhatu nemakumi manomwe nemasere kana kuti 4 678.

Mutungamiri wenyika VaEemmerson Mnangagwa vabatana nevamwe vatungamiri venyika zana kumusangano wezvekushanduka kwemamiriro ekunze unokokerwa neUnited Nations weCOP26 kuGlasgow, Scotland. Zimbabwe inoti yakazvipira kutora matanho ekudzikisa mabasa anosvibisa mweya wekufema zvokanganisa mamiriro ekunze. Tichakupai hurukuro nezvizvarwa zveZimbabwe zviri kuScotland zviri kuratidzira kufarira VaMnangagwa nezviri kuvashora zvichiti vari kutyora kodzero dzevanhu.

Nhengo dzekereke yeNguwo Tsvuku kana kuti Jerusalem Church dzonyura dzichiyedza kutora tsvimbo yekutungamira murwizi rweMazowe kuRushinga.

Munyaya dzezvehutano, tiri kutarisa nyaya yechirwere chegomarara muvana vadiki.

Vatsigiri venhabvu votadza kupinda munhandare mumakwikwi eChibuku Super Cup vachiti mari yavari kubhadhariswa yakawanda,

Muchirongwa cheLiveTalk na8pm tiri kutarisa zviri kuitika kumusangano wekushanduka kwemamiriro ekunze kuGlasgow, Scotland uko mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vari kubatana nevatungamiri vedzimwe nyika zana kuzeya nyaya iyi. Tichataurawo nezvechirwere cheCovid-19

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, ne 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 6175, 7255 Short Wave.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG