Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Muvhuro, Kurume, 15, 2021 


Misoro yeNhau

Bazi rezvehutano rinoti vanhu vaviri vakafa nechirwere cheCovid 19 mudunhu reMidlands nezuro.

Zvikoro zvovhurwa nhasi kune vari kunyora bvunzo, kunyangwe hazvo zvakawanda zvemumaguta zviri kutevedzera mitemo yeWorld Health Organization yekuti chirwere cheCovid-19 chisapararire, zvimwe zvekumamisha zviri kutatarika kutevedzera kurudziro iyi nekushaya zvikwanisiro.

Hurumende inoti yave kutarisira vhiki rino imwe nhomba kubva kukambani yeSinopharm yekuChina kunyangwe yange yamboti nhomba iyi kuuya mukutanga kwemwedzi uno.

Hofisi yasachigaro weZimbabwe Anti Corruption Commission Justice Loice Matanda Moyo iri kuMt Pleasant Business Park muHarare yopindwa nechisimba nematsotsi.

Vanachiremba vanoti vanhu vakawanda vari kurumwa nenyoka munguva ino yezhizha.

Hurumende nhasi yatendera kudzoka munhandare kwemitambo inosanganisira nhabvu iyo yaive yambomiswa kuchityirwa kupararira kwechirwere cheCovid 19.

Muchirongwa cheLive Talk na8pm tiri kutarisa kuvhurwa kwezvikoro panguva ino yekurwisa chirwere cheCovid-19.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, ne 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 6175, 7255 Short Wave.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG