Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau Dzanhasi, Muvhuro, 31, Zvita 2018


please wait

No media source currently available

0:00 0:02:38 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Munhau dzedu dzanhasi,Muvhuro, Zvita 31, 2018

Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vokurudzira vanhu kuti vabatane kuumba nyika sezvo zvesarudzo zvakadarika vachiti hupfumi huri kuratidza kuti hurikusimukira.

Vanotengesa mumigwagwa vorwisa nemapurisa muHarare nhasi.

Vanhu vashanu vanoshaya munjodzi yemumugwagwa kuMashava mushure mekunge kombi yavange vakakwira yapidiguka.

Vanachiremba vopinda mumusangano wekuzeya kuti vodzokera kubasa here kana kuti kwete mushure mekunge hurumende yavakumbira kuti vadzokere kumabasa nhaurirano dzichienderera mberi. Uko varairidzi vozivisa kuti vanoda kuratidzira panovhurwa zvikoro.

Muchirongwa cheLiveTalk na 8pm tiri kutarisa zviri kuitwa nekutarisirwa nevanhu mugoredzva.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG