Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi - Muvhuro, Chikunguru 30, 2018.


Misoro yeNhau
Misoro yeNhau
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:00 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Misoro yeNhau dzaNhasi, Muvhuro, Chikunguru 30, 2018.

Mutungamiri weMDC Alliance, VaNelson Chamisa, vanovhota paKuwadzana 2 Primary School muHarare.

Mutungamiri weZanu PF, VaEmmerson Mnangagwa, vanovhotawo paSherwood Primary School kuKwekwe.

Vaimbove mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vanovhota paMhofu Primary School kuHighfield

Zimbabwe Elections Support Network inoti sarudzo dziri kufamba zvakanaka pari zvino.

Zimbabwe Human Rights Watch yoshushikana nekunonoka kuvhota kuri kuita vanhu izvo zviri kukonzera kuti vanhu vamire mumitsetse kwenguva yakareba mumaguta, zvikuru muHarare.

Election Resource Center inotiwo vanhu vakawanda vari kutadza kuvhota kwaMurehwa vachinzi mazita avo haasi mu voters roll, kunyange hazvo vakanyoresa vakaongororawo kuti mazita avo aive mugwaro revavhoti sarudzo dzisati dzatanga

Mashoko atiri kutambira anotiwo kune nzvimbo dziri kuvhoterwa kuMt Darwin kusina vaongorori vesarudzo vemapato anopikisa

Muchirongwa cheLiveTalk na8pm tiri kutarisa zviri kuitika mukuvhota kuri kuita vanhu

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG