Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau Dzanhasi Kukadzi 22, 2016


Vechidikli vekuMasvingo voratidzira neChishanu vachiti vari kurwadzikana nehurongwa hwemutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, hwekuitira mabiko ebhavhadhe ravo mudunhu iri ivo vachifa nenzara.

Vakafanobata chigaro chemutungamiri we National Constitutional Assembly, VaLovemore Madhuku, vanoti makakatanwa ari muZimbabwe anopa vanopikisa hurumende mukana wekuratidza vana veZimbabwe kuti ndiwo chete anokwanisa kugadzirisa zvinhu munyika zvatadzwa kuitwa neZanu PF kwemakore anodarika makumi matatu nemashanu.

Hurumende inomisa makambani ose ari kuchera mangoda munyika.

Muchirongwa cheLiveTalk na 8:30pm tiri kutarisa zvinoreva danho ratorwa nehurumende rekumisa makambani ose ari kuchera mangoda munyika.

Iyi ndiyo misoro yenhau dzedu dzanhasi...munotibata pa 909 am, 4930, kana pa 13860 ne 15460 kilohertzs pa shortwave kana paFacebook page yedu yeVOAShona.

Misoro Yenhau Dzanhasi Muvhuro Kukadzi 22, 2016
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:57 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG