Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chitatu, Zvita 16, 2020 


Misoro yeNhau
Misoro yeNhau

Munhu mumwe chete akafa nechirwere cheCovid-19 nezuro, izvo zvakasvitsa huwandu hwevanhu vafa nechirwere ichi pamazana matatu negumi.

Vagari vemuHarare vanotambira nemufaro kumbomiswa kuputswa kwedzimba dzinonzi dzakavakwa zviri kunze kwemitemo

Dare redzimhosva rinotadza kunzwa zvechimbi chimbi chikumbiro chevakadzingwa muMDC T, VaAbednico Bhebhe, avo vanga vachida kuti kongiresi yechimbi chimbi yekutsvaga achatsiva muchakabvu Morgan Tsvangirai, imbomira kuitwa kudzamara nyaya yekudzingwa kwavo yapera.

Vagari vekwaMupandawana kwaGutu vogara vakatyirwa zvirwere zvichitevera kushaikwa kwemvura munzvimbo yavo kwemasvondo matatu.

Muchirongwa cheDiaspora na8pm tiri kutarisa zviri kuitwa nezvizvarwa zveZimbabwe zviri kunze kwenyika.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm .pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, ne 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 6175, 7255 Short Wave.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG