Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chitatu, Nyamavhuvhu 1, 2018.


Misoro yeNhau
Misoro yeNhau
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:43 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chitatu, Nyamavhuvhu 1, 2018.

Zimbabwe Electoral Commission inoti Zanu PF ndiyo yakunda musarudzo, izvo zviri kuramba kutambirwa neMDC Alliance vechidiki vachibva vatanga kuratidzira muHarare nemuBulawayo

Vanhu vaviri vanopfurwa vachibva vafa muHarare mumhirizhonga iri kuitika muguta zvichitevera kuratidzira kuri kuitwa nevechidiki vachiramba kutambira zviri kubuda musarudzo vachiti Zimbabwe Electoral Commission haisi kuita basa rayo muchokwadi

Vaongorori veEuropean Union vanoti sarudzo dzemuZimbabwe dzanga dziri murunyararo hadzo asi dzisingaitwe nenzira inofadza mapato ose, uye pakashandiswa midziyo yehurumende mukubatsira bato rimwe chete.

Nyanzvi munyaya dzematongerwo enyika pamwe nenyaya dzehupfumi dzinoti zvinhu zvinogona kuramba zvisina kumira zvakanaka munyika nepamusana pekunyunyuta kuri kuri vemapato anopikisa

Muchirongwa cheLiveTalk na8pm tiri kutarisa zviri kuitika muZimbabwe umo mapurisa ari kurwisana nevechidiki avo vari kuramba kutambira zviri kubuda musarudzo.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG