Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chitatu, Mbudzi 18, 2020 


Misoro yeNhau
Misoro yeNhau

Vanhu vaviri vanofa nechirwere cheCovid-19, ukuwo vanhu makumi mana nevasere vakabatwa nechirwere ichi nezuro, vose vari vanhu vagara vari munyika, kunze kwemumwe chete akabva kubva kuTanzania.

Dare repamusoro rinoisa mutongo waro parutivi pachikumbiro chemutori wenhau, Hopewell Chin’ono, chekuti apihwe mukana wekubvisa mari yechibatiso kuitira kuti atongwe achibva kumba kwake. Dare rati richapa mutongo waro nemusi weChishanu

Zimbabwe yosvitsa makore matatu iri pasi paVaEmmerson Mnangagwa, mushure mekubviswa nechisimba kwakaitwa vaimbove mutungamiri wenyika, muchakabvu VaRobert Mugabe.

Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vanotoresa mhiko chikwata chiri kuferefeta nyaya dziri kupomerwa mutongi wedare repamusoro, Amai Erica Ndewere.

Zvinhu zvoramba zvakaita manyama amire nerongo muAmerica zvichitevera kutsika madziro kuri kuita mutungamiri wenyika iyi, VaDonald Trump, avo vari kuramba kutambira kuti VaJoe Biden ndivo vakakunda musarudzo yemutungamiri wenyika.

Muchikamu chedu chatinotarisa zviri kuitwa nezvizvarwa zveZimbabwe zviri kunze kwenyika, nhasi tiri kutarisa zviri kuitwa me sangano reProudly263 Global, iro riri kubatsira zvizvarwa zveZimbabwe zviri kunze kwenyika nemikana yekutanga mabhizimusi.

Muchirongwa cheLiveTalk na8pm tiri kutarisa zviri kuitika munyika.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm .pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, ne 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 6175, 7255 Short Wave.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG